Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Vanoti VaMnangagwa Munhu Asina Vatsigiri Vakawanda muZanu PF


VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo

Vaive mutauriri weZanu-PF vakazodzingwa mubato iri muna Zvita, VaRugare Gumbo, vanoti vanotendererana nemashoko akaburitswa neMuvhuro naVaDidymus Mutasa, vachiti ivo nevamwe vavo ndivo vaive vakuru vakuru munguva yehondo asi vava kudzingwa zviri kunze kwemitemo mubato.

VaMutasa ndivo vaive munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF.

VaGumbo, vachitaura neStudio7 chete, vanoti havana chavanoshora mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, asi kuti chavanopokana nacho madomerwo avakaitwa pachigaro chavari pakongiresi yakaitwa.

VaGumbo vasimbaradza mashoko aVaMutasa ekuti kongiresi yakaitwa muna Zvita haina kuitwa zviri pamitemo yeZanu PF nokudaro havaremekedzi zvose zvakabuda pakongiresi iyi.

Vatiwo VaMnangagwa munhu asina rutsigiro rwevanhu vakawanda muZanu PF, vachiti zvakare munhu anoda kutenga vakuru munato kuti vawane rutsigiro.

Vachitaura mashoko avasati vamboburitsa kubva zvavakadzingwa mubato, VaGumbo vati munhu mukuru zvikuru kuna VaMnangagwa kana pachitariswa nhoroondo yehondo yeChimurenga.

Vatiwo kunyange hazvo VaMnangagwa vakarwara hondo mumazuva avo ekutanga, vakazopedzisira vaenda kuchikoro kusvika muna 1979, uku VaGumbo nevamwe vavo vaive musango vachirwira rusununguko rwenyika.

Vati ivo nevamwe vari kunzi vakadzingwa mubato vanhu vakashupika munguva yehondo zvekuti havasi kuzotambira zvakabuda pakongiresi yemuna Zvita iyo vanoti yakaitwa zviri kunze kwemitemo yeZanu PF.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aVaGumbo aya anoratidza kuti zvinhu zviri kuramba zvakaita manyama amire nerongo muZanu-PF sezvo vamwe vakadzingwa vachinzi vari kudyidzana nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vari kuramba kutambira zvakabuda pakongiresi yemuna zvita gore rapera.

Vanhu ava vazivisa neChipiri kuti magweta avo atotanga kuongorora nyaya iyi kuti voifambisa seyi.

Moto mutsva muZanu PF wakatangwa naVaMutasa neMuvhuro apo vakanyora gwaro kumapepanhau vachiti kongiresi yakaitwa yaisava pamutemo uye vamwe vari mubato iri vakazouya mumashure bato ravambwa, ndivo vave kuita madiro aJojina vachibvorongodza musangano wevanhu.

VaMutasa vanoti izvi zvinofanira kumiswa zvachose, zvinova zviri kutsigirwa naVaGumbo.

VaMutasa vanoti vana musvikazuro ava vakafurira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo kuti vadzinge vanhu vane nhoroondo mubato.

VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe mwedzi unouya.

VaMutasa nemamwe makurukota nevatevedzeri vemakurukota uye masachigaro ematunhu akawanda vakadzingwa mubato vachinzi vaitsigira Amai Mujuru.

Amai Mujuru vaipomerwa mhosva yehuori uye kuda kuita VaMugabe kafiramberi asi kusvika pari zvino hapana kana humbowo hwati hwapihwa.

Amai Mujuru vanoti maoko avo akachena uye havana kumboronga kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMnangagwa, Amai Mujuru kanawo VaMutasa sezvo nharembozha dzavo dzanga dzichinetsa.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vachidzidzisa paKent University kuBritain, VaAlex Magaisa, vanoti zvichanetsa kudzima moto wobvira muZanu-PF.

Hurukuro naVaAlex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG