Accessibility links

Breaking News

Varimi Varikuputsirwa Dzimba kuMazowe Vanoti VaMohadi, naVaChihuri Ngavasungwe


Magweta ari kumirira vamwe vagari mazana maviri vari papurazi reArnold Farm rinozivikanwawo nekuti Manzou kuMazowe, mudunhu reMashonaland Central anoti gurukota rezvemukati menyika VaKembo Mohadi nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vanofanira kusungwa nenyaya yekuzvidza mutongo wedare repamusoro.

Purazi iri rinonzi riri kuda kutorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe. Magweta aya neChishanu akaendesa mapepa kudare repamusoro zvichitevera kuputswa kwedzimba dzevarimi ava nemapurisa vhiki rino

Asi mushure mekunge munyika maita mutauro wakanyanya, gavhuna wedunhu reMashonaland Central VaMartin Dinha vakaudza bepanhau reHerald kuti Amai Grace Mugabe havaneyi nezviri kuitika papurazi iri.

VaDinha vanoti purazi iri handi rekurima asi kuti inzvimbo inochengeterwa mhuka uye rinoonekwa senzvimbo inochengetedzwa. Vati vanhu havafanire kungonakidzwa nekusvibisa zita raAmai Mugabe.

Asi vari kuputsirwa dzimba ava vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaDinha ndeemugotsi matsuro. Vati vanehumbowo hwakati tsvikiti hwekuti Amai Mugabe ndivo vari kuda purazi iri.

Mutongi wedare repamusoro VaCharles Hungwe vainge vapa mutongo muna Nyamavhuvhu gore rapera wekuti vanhu ava vasabviswe papurazi ravainge vagara kubva muna 2000 vasina kumwe kwekuendeswa. Asi magweta anoti mapurisa ari kuisa zvipikiri munzeve.

Magweta evanhu vakaputsirwa dzimba ava anoti vari kuda kuti makurukota ehurumende VaMohadi, gurukota rinoona nezvekurima VaDouglas Mombeshora nemukuru wemapurisa VaChihuri vamise mapurisa kuita madiro aJojina vachiputsa dzimba dzevanhu vachityora mutemo.

Vanhu vakaputsirwa dzimba vakaendesa makurukota aya kumatare vanosanganisa VaAspinas Makufa, VaDaaisi Musekiwa, VaGeorge Musa, VaCosta Chirimba naVaGift Chikowore.

Varume ava vanoti kana VaMohadi vasina kukwanisa kumisa mapurisa kuputsa dzimba dzavo, chikonzi chedare chinofanira kuenda kuno vasunga nemhosva yekuzvidza dare. Vanhu ava vanotiwo nekuputsirwa dzimba vasiiwa vari pamhene uye vave kunetsekana sezvo vasisina chouviri.

Gweta revarimi ava VaTonderai Bhatasara vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nemapurisa kutyora bumbiro remitemo.

Hurukuro naVaTonderai Bhatasara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe murimi VaMisheck Madamombe vaudzawo Studio 7 kuti mapurisa ari kuuyawo nevamwe vechidiki veZanu-PF kuzoputsa dzimba dzavo uye nzvimbo iyi inenge yaberekera ingwe. Vati vechidiki veZanu-PF ava vari kuba zvinhu zvavo.

Hurukuro naVaMisheck Madamombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata VaMohadi, VaMombeshora VaChihuri kana mutauriri wemapurisa Senior Assiatant Commissioner Charity Charamba sezvo vose vange vasingadaire nharembozha dzavo.

XS
SM
MD
LG