Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Makambani Ngaadzikise Mutengo weMafuta eMotokari


Hurumende inoti mitengo yemafuta edzimotokari inofanira kudzika zvakanyanya sezvo mitengo yemafuta aya yadzika zvakakomba pamisika yepasi rose.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChishanu, gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaSamuel Undege vakati mutengo wemafuta wakadzika zvikuru pamusika wepasi rose nekudaro vanotengesa mafuta munyika vanofanira kudzikisa mitengo.

Mutengo wemafuta pamisika yepasi rose yadzika nezvikamu makumi mashanu kubva muzana kwemwedzi mitanhatu yapfuura.

VaUndenge vakaudza vatori venhau mu Harare kuti vemakambani anotengesa mafuta edzimotokari vanofanira kunge vadzikisa mitengo yepeturu nedhiziri musi wa 14 Ndira usati wadarika uye vati vachatora matanho akawomarara kumakambani anenge asina kudzikisa mutengo uyu.

VaUndenge vatiwo vemakambani anotengesa mafuta kune veruzhinji vanofanira kuzokwidza mitengo yepeturu nedhiziri mushure memasvondo maviri kana mitengo iyi yakwira pamisika yepasi rose.

Parizvino, makambani anotengesa peturu anoti haasati adzikisa mitengo yepeturu nedhiziri achiti achiri kutengesa mafuta aakatenga mitengo isati yadzika pamisika yepasi rose.

Asi VaUndenge vati zvinotora masvondo maviri chete kuti makambani apedze kutengesa mafuta aanenge ahodha.

Parizvino, peturu iri kutengeswa ne $1.50 parita rimwe chete uye dhiziri ririkutengeswa ne $1.40 parita rimwe chete. VaUndenge vati kana makambani anotengesa mafuta akadzikisa mitengo, peturu inogona kudzika kusvika pamari isingadarike $1.20 parita rimwe chete.

Pavabvunzwa kuti sei mutengo wepeturu uchiramba uri pamusoro iyo peturu yacho yavekusanganiswa ne ethanol inogadzirwa muno, VaUndenge vati chinokonzera izvi inyaya yekudhura kunoita kutakura peturu yacho kubva kwainosanganisirwa kuenda kune veruzhinji.

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mitengo yezvinhu inotarisirwa kudzikawo muzvitoro kana mitengo yemafuta ichinge yadzikiswa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weLong Distance Bus Operators Association mudunhu reManicaland VaEsau Mupfumi vanoti vari kutambira nemaoko maviri danho ratorwa naVaUdenge.

Hurukuro naVaEsau Mupfumi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG