Accessibility links

Breaking News

VaObert Mpofu Votorerwa Rezinesi reBhanga neRBZ


Allied Bank
Allied Bank

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe neChina rakakanzura rezinesi reBhanga re Allied Bank mushure mekuona kuti bhanga iri range rave kutatarika zvakanyanya.

Mumashoko kuvatori venhau RBZ yakati bhanga iri roga ndiro rainge rakanda maoko mudenga richiti raremerwa nemutoro warainge rakatakura.

Asi bhanga reRBZ rakatendawo kuti kana nairo rainge raonawo kuti zvebhanga zvainge zvakona n'anga murapwa achida nekuti bhanga iri rainge risina mari nezvikwanisiro zvose zvinodiwa kuti rishande zvakanaka.

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaObert Mpofu ndivo vange vaine zvikamu zvakawanda mubhanga iri iro rainge rabatanidzwa nerimwe bhanga raitatarikawo reZimbabwe Amalgamated Banking Group.

XS
SM
MD
LG