Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotenda Kuti Vanhu Vave Kufa neKuratidzira kwaVanaChiremba


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Sangano rinomirira ana chiremba vehurumende avo vari kuramwa mabasa parizvino rinoti munyika mungangosara musina anachiremba zvichitevera kudiwa kuri kuitwa madhokotera nezvipatara zviri kunze kwenyika.

Mashoko aya anouya apo hurumnde yave kutenda kuti varwere vari kufa muzvipatara zvehurumende nekuda kwekutaridzira kwavanachiremba vave nemavhiki matatu vachiratidzira.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChina, mutauriri Zimbabwe Hospital Doctors Association, VaFrancis Rwodzi, vati kuramwa kwemabasa nana chiremba kucharamba kuchienderera mberi zvichitevera kutadza kuwirirana kuri kuita ana chiremba nehurumende panyaya yekuwedzerwa kwemari dzemihoro.

Madhokotera ari kuramwa mabasa anoti anoda kuwedzerwa mari yaari kutambiriswa kubva pamadhora mazana maviri nemakumi masere nemaviri ($282) kusvika pamadhora chiuru nemazana maviri ($1200) asi hurumende inoti homwe yayo yakabooka zvekuti haikwanise kupa ana chiremba ava mari dzavari kuda idzi.

Zvichakadai, VaRwodzi vati zvipatara zvekunze kwenyika zvizhinji zvirikukoka ana chiremba vemuZimbabwe kuti vanoshandira kuzvipatara izvi zvavati zvichaita kuti hupenyu huomere veruzhinji.

VaRwodzi vati hurumende haina hany’a neraramo yavana chiremba uye vanoti hurumende inokoshesa kupa mari yakawanda kumadzishe asina basa guru raanoita muhupenyu hwevanhu ichisiya kubhadhara madhokotera zvine mwero.

Zvichakadaro, munyori mukuru mubazi rezvehutano Dr Gerald Gwinji vanoti vanachiremba vari kuramwa mabasa vanofanira kuti vadzokere kumabasa.

Vachitaura nebepanhau reHerald Dr Gwinji vanoti varwere vave kufa muzvipatara zvehurumende nenyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba.

Dr Gwinji vanoti zvipatara zvehurumende zvinokwanisawo kudaidza vanachiremba kubva kumauto. Asi vanoti zvakakosha kuti vanachiremba vadzokere kumabasa nhaurirano dzichiitwa.

Mashoko aDr Gwinji anoteverawo kurudziro yakapihwa negurukota rezvehutano Dr david Parirenyatwa yekuti vanachiremba vadzokere kumabasa asi hurukuro dzichienderera mberi.

Asi mashoko aya anenge akatowedzera peturu mumoto nekuti vanachiremba muzvipatara zvekumatunhu makuru nemadiki vakabva vatangawo kuramwa mabasa.

Sangano rakazvimirira reZimbabwe Peace Project raburitsawo mashoko richiti riri kushushikana nekuramwa mabasa kwavanavanachiremba richiti vanhu vave kurasikirwa nehupenyu.

Sangano iri riri kuti riri kushushikana nemashoko akabuda mubepanhau reThe Southern Eye Newspaper nezuro ekuti pane varwere vana vakashaya kuMpilo nenyaya yekuramwa mabasa kwavanachiremba.

Mune imwewo nyaya, sangano revanotengesa mumigwagwa re National Vendors Union of Zimbabwe, kana kuti Navuz, rinoti harisi kutambira hurongwa hwekanzuru yeHarare hwekuda kubvisa vanotengesa mumigwagwa pakati pedhorobha.

Munyori musangano re Navuz, VaSamuel Wadzayi, vati sangano ravo, iro ravati rine nhengo dzinodarika zviuru gumi nezvitatu, riri kushushikana zvikuru nehuruongwa hwekanzuru iyo iri kuda kubvisa vese vanotengesera mumigwagwa mudhorobha.

VaWadzayi vati sangano ravo rine nzira dzakawanda dzarichashandisa kurwisana nezviri kurongwa nekanzuru iyo yavati yakaronga kluvadzinga ichishanda pamwechete nemauto.

Hatina kukwanisa kutaura naMeya we Harare, VaBernard Manyenyeni kana mutauriri wekanzuru VaLeslie Gwindi, kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi asi kanzuru inogara ichimhanyisana nevanotengesera mumigwagwa nguva nenguva.

Mune imwewo nyaya zvakare, bhodhi resangano rinoshanda rakazvimirira re Crisis in Zimbabwe Coalition rinoti harisi kuzosuduruka pachisungo charo chekuti mutungamiri wesangano iri, VaMcDonald Lewanika, vasiye basa pakupera kwegore panopera nguva yavakasainira kuti vange vari mutungamiri wesangano iri.

Sachigaro webhodhi re Crisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vakaudza vatori venhau muHarare neChina kuti nyangwe zvazvo panga paine mukana wekunyorerana patsva kuti VaLewanika vapinde muchibvumirano chitsva, bhodhi ravo rakawona zvakakodzera kuti VaLewanika vasiye basa sezvo pane humbowo hwekuti havana kufambisa zvakanaka mari yesangano iri.

Zvichakadaro, VaLewanika vanoti vari kuronga musangano mukuru wemasangano ese anove nhengo dze Crisis in Zimbabwe Coalition uchaitwa mwedzi uno uine chinangwa chekuchinja zvakabvumiranwa nebhodhi resangano iri asi VaMavhinga vati musangano uyu hauna zvaunoreva uye vati uri kunze kwemutemo.

Mune imwe nyaya nemusi weChina wakare, mapositori gumi neumwechete vakabatwa vaine mhosva yekurova mapurisa nevatori venhau kuBudiriro uye vamwe vavo makumi maviri nevatanhatu vawanikwa vasina mhosva nedare. Vabatwa nemhosva ava vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana.

Mapurisa nevatori venhau vakarohwa nemapositori aya kuBudiriro mushure mekunge mapositori aya apomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevana zvinosanganisira kurambidza vana kuenda kuchikoro.

XS
SM
MD
LG