Accessibility links

Breaking News

VaBiti: Kusatambira Zviga zveIMF Kotadzisa Zimbabwe Kupihwa Zvikwereti Zvitsa


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Vaimbova gurukota rezvemari, uye vari nhengo yeMDC Renewal Team, VaTendai Biti, vanoti sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, IMF, riri kungotaura haro zvegudziramukanwa kana richiti Zimbabwe haikwanise kupinda pachirongwa chenyika dzine hurombo hwakanyanya dzinoda kubvisirwa zvikereti, kana kuti Highly Indebted Poor Countries, HIPC.

Chirongwa cheHIPC chekubatsira nyika dzine hurombo chakatangwa muna 1996 neIMF neWorld Bank.

Pachirongwa ichi mabhanga eIMF ne World Bank anoshanda nenyika dzakabudirira uye mamwe mabhanga anopa zvikwereti kuti vakanganwire nyika idzi zvikwereti.

Nyika dziri kubudirira dzawana rubatsiro rweHIPC dzinosanganisa Zambia, Malawi, Mozambique, Ghana, Afghanistan, Haiti, Republic of Congo, Tanzania Senegal nedzimwe.

VaBiti vanoti chapa kuti Zimbabwe isaregererwe handi nyaya yekuti haina hurombo hwakanyanya asi kuti yakatadza kuzadzikisa zviga zvayakatenderana neIMF kuti ipinde muchirongwa ichi.

Mashoko ekuti Zimbabwe haikwanise kupinda muchirongwa ichi akataurwa nemumiriri weIMF muZimbabwe, VaDomenico Fanizza, pamusangano wavakaita nemakurukota ehurumende pamwe nemabhizimisi muHarare neChipiri.

Asi VaFanizza vakati vachayedza kutsvaga nzira dzekuti Zimbabwe ibhadhare zvikwereti izvi zvishoma nezvishoma.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vainge vati vanoda kuti Zimbabwe ikanganirwe zvikwereti, uye itange kuchipihwa zvimwe zvikwereti zvitsva.

Asi IMF inoti hapana zvikwereti zvitsva zvichapihwa Zimbabwe kudzamara yabhadhara zvikwereti zvayo. VaChinamasa vanoti zvikwereti zveZimbabwe zvinosvika mabhiriyoni gumi emadhora uye iri kutatarika kuzvibhadhara.

Asi VaBiti vanoti Zimbabwe ndiyo yakazvisikira moto muziso nekusatevedzera zviga zveIMF..

XS
SM
MD
LG