Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Rwendo rwaVaMugabe kuChina Haruna Pundutso


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabatana nevamwe munyika vari kuti rwendo rwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuChina rwakava nhava izere mhepo sezvo vasiri kujekesa kuti chii chaizvo chakavakavhima vakabata.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabatana nevamwe munyika vari kuti rwendo rwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuChina rwakava nhava yemuvhimi izere mhepo sezvo vasiri kujekesa kuti chii chaizvo chakavakavhima vakabata.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakabvunzwa neChitatu pamusoro pezvibvumirano zvavakaita kuChina vakatadza kunyatsojekesa zvakawana murwendo rwavo kunyika yekumabvazuva.

Nhengo dzeMDC mudare reparamende dzinoti VaChinamasa vakangotsenga tsenga mukanwa vachingoti China yakavimbisa kuti ichashanda neZimbabwe muzvirongwa zvine pundutso chete zvakaita semigwagwa, mvura nezvimwe asi vasingataure zvizere vachiti zvinotoda muswere wese.

VaTsvangirai vanoti China yakatobvisa mari inosvika bhiriyoni imwe chete kubva muZimbabwe pakangopera sarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG