Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanoti Hupfumi Huchaita Zviri Nani


Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti vane chivimbo chekuti hupfumi hwenyika hunogadzirika kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.

Mashoko aya anotevera zuva rimwe chete VaMangudya vaparura hurongwa hwavo hwemafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy neMuvhuro vachiti hupfumi hwenyika hwaderera zvakanyanya.

VaMangudya vakati Zimbabwe yainge yangokwanisa kuwana mari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemasere emadhora kubva kune vekunze mukati memwedzi mitanhatu yegore rino.

Mari iyi yadzika kubva pazana nemakumi matanhatu nemashanu emamiriyoni emadhora munguva imwe cheteyo gore rapera.

Vanotiwo zviri kuratidza kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka inyaya yekushomeka kwemari munyika, kuvharwa kwemakambani, kushaikwa kwemabasa, uye kuderera zvakanyanya kwezvinhu zviri kugadzirwa nemaindasitiri.

Vanotiwo vachaedza kutenga mari diki dzekubatsira vanhu kuti vawane chenji.

VaMangudya vanotiwo hurumende inofanira kujekesa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema sezvo vakawanda vasiri kuunzwisisa zvopa kuti vasade kuuya munyika kuzotanga mabhizimisi.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCharles Msipa, vanoti zvinhu zvakaoma kuti VaMangudya vakwanise kuchinja mamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi sezvo Zimbabwe ichishandisa mari dzekunze isingadhinde mari yayo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemunyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo, avo vanoti hurumende inozvisikira moto muziso nekudzika mitemo inodzinga vekunze vanoda kuvamba mabhizimisi munyika.

Zvichakaro, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri vakasangana nasachigaro weStanding Committe yeNational People’s Congress yekuChina, VaZhang Dejiang.

VaMugabe vari ku China kwemazuva mashanu kumisangano yakanangana nekutsvaga rutsigiro munyaya dezvehupfumi kubva kune vemabhizimisi ekuChina nehurumende yenyika iyi.

VaZhang vati paramende yemuChina yakazvipira kushanda neparamende yemuZimbabwe mukusimbisa hukama munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi.

VaMugabe vasanganawo nemutungamiri wehurumende yeChina, VaLi Keqiang. Hapana kuziviswa kuti vaviri ava vataura nezveyi.

VaMugabe vari kutarisirwawo kuenda kudunhu reShaanxi uye reGuandong murwendo rwavo urwu.

NeMuvhuro China neZimbabwe dzakanyorerana zvibvumirano gumi nezviviri munyaya dzezvekudyidzana.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG