Accessibility links

Breaking News

Makambani Oramba Achivharwa muZimbabwe


Zimbabwe Companies Facing Indigenization Move to Empower Workers
Zimbabwe Companies Facing Indigenization Move to Empower Workers

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti maindasitiri emunyika ari kushanda ari pazvikamu makumi matatu kubva muzana, kana kuti 30% capacity utilization, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Nepamusana pekuoma kwaita zvinhu, mamwe makambani ari kuvhara zvachose.

CZI inoti kwaMutare kubva muna 2009 kusvika gore rino, makambani akawanda ari kuramba achivharwa.

Makambani avharwa anosanganisira, Mutare Board and Paper Mill, Karina Textiles, Pine Products, Arda Katiyo, Devstar Clothing, Industrial & Domestic Wear, Dairiboard Mutare Factory, Kenge Breweries, Cotton Company of Zimbabwe, neZimbabwe Coffee.

Makambani ari kutatarika anosanganisira Quest Motor Manufacturing, Afri- Safety Glass, Kenrose Filters, Buffalo Soap Industries ne Cairns Foods.

KuBulawayo ngoma ndiyo ndiyo makambani akaita se Lasker Brothers, inogadzira hembe dze Archer, Trade Power ne Wenbrough atarisanawo nekuvharwa.

Makambani aya ari kutadzawo kubhadhara zvikwereti zvawo.

Zimbabwe iri kutsvaga mari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe emadhora pasi pechirongwa chayo chekuyedza kuvandudza hupfumi che ZimAsset. Asi kusvika pari zvino mari iyi iri kunetsa kuunganidza.

Gurukota rinoona nezvemaindasitiri, VaMike Bimha, vari mu China pari zvino muchirongwa chehurumende chekuyedza kutsvaga mari yekumutsiridza maindasitiri emunyika ayo ari kuvharwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwawo kuenda kuChina mukupera kwemwedzi uno kunopemhawo rubatsiro.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, negukota rezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vange vari kuChina mwedzi wapera vachipemhawo rubatsiro.

Hatina kukwanisa kubata VaBimha kuti tinzwe nezvavari kuita kuChina pari zvino.

Vaimbotungamira sangano reCondefederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti makambani akawanda ari kuomerwa nezvinhu izvo zviri kupa kuti avharwe.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanotiwo vashandi vari kumomerwa nezvinhu munyika.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG