Accessibility links

Breaking News

Kunetsana Koenderera Mberi muZanu-PF VaMugabe Vakatarisa


Zimbabwe Politics
Zimbabwe Politics

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF zvichitevera sarudzo dzakaitwa pamusangano mukuru wevechidiki mubato iri neSvondo.

Vanoona nezvemutemo muZanu-PF Youth League, VaTongai Kasukuwere, avo vakakundwa musarudzo dzemutevedzeri wemunyori wezvemabasa musarudzo dzakaitwa pakongiresi yevechidiki mubato iri neSvondo, vanoti vari kunyora tsamba yenyunyuto kuvakuru vebato vachitaura nezvekusafara kwavo nemafambisirwo esarudzo dzakazokundwa naVaKudzai Chipanga vekuManicaland.

Sachigaro webato reZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vakazivisawo kuti vachaita musangano weNational Election Directorate neChitatu wekuti vazeye matambudziko akasangana nemusangano uyu.

Matambudziko aya anosanganisira nyaya yekuti painge pasina chikafu, vamwe vanhu vachinzi vaishandisa mari kutenga vechidiki kuti vavhotere vamwe vanhu.

Mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakatombotaurawo nezvenyaya dzekutenga vanhu dziri kuitwa nezvipoka zviri kurwira masimba mubato.

Asi mashoko avo anonzi haana akaterera sezvo kunetsana kuri kuramba kuchienderera mberi.

Bato iri rine imwe kongiresi yemadzimai mwedzi uno pasati paitwa kongiresi huru muna Zvita.

Vari kuziva zviri kuitika mubato iri vanotiwo kongiresi yemadzimai inogonawo kuita mutauro mukuru.

Hatina kukwanisa kubata VaChipanga kana VaKhaya Moyo kuti tinzwe pavamire panyaya yezviri kuitika muZanu PF zvakonzerwa nesarudzo dzeSvondo.

Asi VaKasukuwere vanoti vanoda kuti vakuru vebato vatarise nyaya iyi kuitira kuti zvigare zvakazivijanwa kuti zvinhu hanzvina kumira zvakanaka mubato.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoey Mabenge, vanoti nyaya yekuti VaMugabe vakwegura ndiyo yoita kuti Zanu-PF iite zinyenyenyeke.

XS
SM
MD
LG