Accessibility links

Breaking News

Vakasungirwa Mhirizhonga kuChingwizi Vomiswa Mudare reDzimhosva


Zimbabwean police on patrol at the Chingwizi transit camp for over 20,000 people displaced as a result of the flooded Tokwe-Mukorsi Dam. (Photo: Human Rights Watch)
Zimbabwean police on patrol at the Chingwizi transit camp for over 20,000 people displaced as a result of the flooded Tokwe-Mukorsi Dam. (Photo: Human Rights Watch)

Vanhu vakasungwa ku Chingwizi makumi maviri nevapfumbamwe vamiswa pamberi pedare redzimhosva kuChiredzi vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.

Magweta ari kumiririra vanhu vakasungwa ava anoti akumbira kuti vanhu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi mutongi wedare wekuChiredzi, VaTayengwa Chibanda, vati vachapa mutongo wavo panyaya yekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete neChishanu.

Pavasungwa ava, mumwe wacho, VaPurazeni Kandireni, murume ane makore makumi masere nemana ekuberekwa.

Panonzi panewo mudzimai, Amai Ellen Muteyiwa, avo vane mwana ane mwedzi mishanu vavanaye muhusungwa.

Amai Colleta Mwasiya vanonzi havazivi kuti mwana wavo ari kupi kubva zvavasungwa, uye hapana ari kuziva kune mwana uyu.

Vamwe vanorarama nehutachiona hweHIV/Aids vanonzi vave munjodzi nekuti havasi kuwana mapiritsi kubva zvavasungwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota redunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava, VaCollin Maboke, vanoti vanotarisira kuti vasungwa vachapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Hurukuro naVaCollin Maboke
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG