Accessibility links

Breaking News

Musangano weUS-Africa Summit Unotanga muWashington DC


Musangano wekutanga pakati pemutungamiri weAmerica, VaBarrack Obama, nevatungamiri venyika dzemuAfrica vanosvika makumi mashanu, wakatanga muWashington neMuvhuro.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vatungamiri venyika dzinoti Sudan, Central Afrrican Republic ne Eritrea, havana kukokwa.

Misangano yaitwa neMuvhuro yange yakanangana nemasangano akazvimirira oga, kukurudzira kodzero nebudiriro dzemadzimai muAfrica, nyaya dzechikafu, musangano wekudyidzana pasi pechirongwa che African Growth and Opportunity Act, kana kuti AGOA, uye nyaya yekuchengetedza mhuka.

Vachitaura pamusangano wemasangano akazvimirira oga, gurukota rinoona nezvekudyidzana kwedzimwe nyika muAmerica, VaJohn Kerry, vati Africa inofanirwa kurwisa huori kuitira kuti ibudirire zvine mutsindo.

VaKerry vati izvi zvikaitwa Africa inenge yokwanisa kukwezva vemabhizimisi vekunze.

Vatiwo America ichashanda zvakasimba nemasangano akazvimirira ega kuitira kuti akwanise kubatsira mukuunza hutongo hwejekerere muAfrica yose.

Mashoko aVaKerry atsinhirwawo nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kumusangano uyu, uye vari maneja musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaNickson Nyikadzino.

VaNyikazino vaudza Studio 7 kumucheto kwemusangano uyu kuti African Union inofanira kushanda nemasangano akazvimirira sezviri kuitwawo neAmerica pasina nyaya dzekufungidzirana.

Pamusangano wezviwanikwa, America, iyo yange ichinetsana neZimbabwe mushure mekumbomisa nyaya yekuvhima muZimbabwe yati ichasimbaradza mitemo yekuti vanhu vasatengese nyanga dzenzou nezvipembere.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vataurawo pamusangano uyu vachiti vari kushanda neAmerica zvakanaka mutungamiri weTogo, Gnassingbé Eyadema mutungamiri wenyika yeNamibia, VaHifikepunye Pohamba Namibia, mutungamiri weGabon, VaOmar Bongo, uye mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete.

Pane mumwe musangano weparutivi, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vaudza vatori venhau nevamabhizimisi paNational Press Club, muWashington DC kuti nyika yavo yagadzirira kuita bhizimisi nevekunze.

VaZuma vataura nezvehondo iri pakati peIsrael nePalestine vakati kurwisana kunofanira kupera.

XS
SM
MD
LG