Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotatarika Kuzadzikisa Zvibvumirano neIMF


Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rose, reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, raburitsa tsamba yarakanyorerwa neZimbabwe yezvido zveZimbabwe zvekuyedza kuzadzikisa chibvumirano chayakaita nebhanga iri cheStaff Monitored Program.

Asi zviri mutsamba yeZimbabwe iyi zvinoratidza kuti nyika iri kukudikana kugadzirisa nyaya yezve hupfumi.

Zimbabwe ikazadzikisa zviga izvi inogona kuzotanga kukwereteswa mari ne IMF.

Chirongwa ichi chakatanga muna Zvita gore rapera. Tsamba iyi yakanyorwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, pamwe nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya.

Vaviri ava vari kubvuma kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka asi vane chivimbo chekuti chirongwa chehurumende chekuvandudza hupfumi, che ZimAsset, chikawana mari chinogona kunyukura Zimbabwe mumadhaka mairi.

Zimbabwe inoti pazviga izvi yayedza kudzikisa mari iri kushandiswa nehuruemende uye kubhadhara chikwereti cheIMF pasi peinonzi Poverty Reduction and Growth Trust.

Asi Zimbabwe inoti ine zvimwe zvisati zvazadzikiswa zvakaita sekujekesa mafambisirwo emari yemangoda, kuvandudza mitemo yezvezviwanikwa, kuramba ichikwereta mari uye kuramba ichishandisa mari yakawandisa pane iri kupinda muhomwe yehurumende.

VaChinamasa naVaMangudya vanoti mutsamba iyi Zimbabwe inoda mari yakawanda yekunze kuitira kuti zvinhu zvitange kuita zviri nani munyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti hurumende yeZanu-PF haina chido chaicho chekugadzirisa dambudziko rezvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG