Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yononoka Zvakare kuBhadhara Vamwe Vashandi Vayo


Sangano rinomirira vashandi vehurumende reAPEX Council rinoti riri kugunun’una nekunonoka kwehurumende kupa vamwe vashandi vayo mari dzavo dzemihoro.

Hurumende yakazivisa kuti zororo reEaster ndiro rakakanganisa kuti mari idzi dzipihwe vashandi paine nguva.

Asi mwedzi wapera hurumende yakanonoka zvakare kupa vashandi ava mari ichiti yainge isina chinhu mudura mayo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwe kuti sei hurumende iri kuramba ichinonoka kupa vamwe vashandi mari dzavo.

Asi mukuru weZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, VaGershom Pasi, vakaudza dare reparamende svondo rapera kuti hurumende iri kutatarika kuwana mari kubva kumitero sezvo makambani akawanda ari kuvharwa.

Mari zhinji dzemitero ndidzo dzinoshandiswa kubhadhara vashandi vehurumende mihoro yavo.

Sachigaro weAPEX Council, VaRichard Gundani, vanoti vachagara pasi nehurumende kuti vaone kuti sei pari kuramba pachiita dambudziko rakadai rekunonoka kupa vamwe vashandi mari.
XS
SM
MD
LG