Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Rimwe Gwaro Rinobata Hupfumi


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende ine hurongwa hwekuvandudza gwara rehupfumi kuyedza kuti makambani ari kuvharwa atange kushanda zvakanaka.

VaChinamasa vakataura mashoko aya neChitatu pamusangano wekuumba nzvimbo dzekuvaka pekushandira nekugadzira zvinhu zvekutengesa kunze kana kuti "special economic zones".

Gurukota iri rakatiwo rakagadzirira kuti pavandudzwe mutemo wezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema ndokunge dare remakurukota ratenda kutambira kuridziro yacho.

VaChinamasa vanotiwo Zimbabwe inoda kugadzira maindasitiri akasimba sezvakaitwa neMauritius, India neChina.

Zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka munyika kunyange hazvo hurumende yaimbenge yavimbisa kuti chirongwa chayo cheZIMASSET chichavandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi. Makambani ari kuvhara uye zvinhu hazvisi kutengwa muzvitoro zvokonzera deflation.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inonyanya kuvimbisa zvakawanda asi pasina chinobuda.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reResource Exploitation Watch, VaWashington Mehlomakulu, vanotiwo danho raVaChinamasa rakanaka chose.
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG