Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeHomwe yeKubatsira Vanhu vekwaMarange Yonetsazve muDare reParamende


Kasukuwere
Kasukuwere
Dare reparamende neChina rakaenderera mberi richinzwa kunetsana kuri pakati pemakambani ari kuchera mangoda kwaMarange nehurumende nezve nyaya yechirongwa chehomwe yekubatsira vagari veku Marange neZimunya.

Komiti yedare reparamende inoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema ndiyo yainge ichibvunzurudzwa gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland VaChris Mushowe nezve mhosva yavari kupomerwa yekupindira mumashandisirwo ehomwe iyi.

VaMushowe vakaudza komiti iyi kuti havasi kupindira pamashandiro echirongwa chekuMarange asi kuti segurukota redunhu reManicaland rimwe basa ravo kuona kuti maCommunity Trust ari mudunhu ravo ari kushanda zvakanaka here.


VaMushowe vakabvunzwawo nezve kuti painge paine chibvumirano here pakati pehurumende nemakambani aya nezvehomwe yekubatsira vagari.

Pane kukandirana nyoka mhenyu pakati pemakambani aya nehurumende nezve nyaya yekuti makambani aya abhadhare mamiriyoni gumi emadhora pakambani imwe neimwe kuMarange –Zimunya Community Trust.

Asi VaMushowe vati havana humbowo hwekuti makambani emagonda akavimbisa kubhadhara Marange- Zimunya Trust mari iyi asi vakati vakaudzwa nevaimbova gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema VaSaviour Kasukuwere kuti vatevere mari yakavimbiswa nemakambani aya vachina kuti yabhadharwa.

Asi vamiriri vemakambani aya anoti Anjin, Marange Resources, Mbada Diamonds ne Diamond Mining Company vakaudza komiti iyi nguva pfupi yapfuura kuti havana chavakavimbisa kuchirongwa chekuMarange uye vakashamisika kunzwa mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura kuti vainge vavimbisa mamiriyoni gumi emadhora pakambani imwe neimwe.

Asi VaMushowe vati vano bvumirana naVaKasukuwere kuti makambani aya anofanira kubhadhara mari kuMarange – Zimunya Trust. Asi nhengo dzekomiti iyi hadzina kutenderana naVaMushowe izvo zvaita kuti imwe nhengo yekomiti iyi amai Yeukai Simbanengavi vakumbire VaMushowe kuti vaburitse magwaro anoratidza kuti chibvumirano chakaitwa nehurumende nemakambani aya.

VaMushowe vati havana umbowo uhwu asi vakangobvuma zvakataurwa navakasukuwere kuti makambani aya ainge abvuma kubhadhara mari iyi.

Gurukota rinoona nezvekupa masimba ehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema vakaudza komiti iyi svondo rapfuura kuti havana humbowo kana magwaro anoratidza kuti makambani aya akaita chitsidzo chekuzopa mari kuMarange-Zimunya Trust vachiti chibvumirano ichi chainge chaitwa pachirume.

VaMushowe vaudza komiti iyi kuti vakatoudza mutungamiriri wenyika kuti makambani emangoda ari kuramba kubhadhara mari kuMarange-Zimunya Trust uye bazi rezvezvicherwa rave kuongorara nyaya iyi nechinangwa chekuda kumanikidza makambani aya kubhadhara mari yaanonzi akavimbisa.

Makambani aya anoti kubvira paakatanga kuchera mangoda kwaMarange ashandisa mamiriyoni emadhora akawanda chose uye ari kuvakira vanhu dzimba nekuvapa chikafu.

Asi VaMushowe vakaramba vakamira semusambagwena vachiti makambani aya anofanira kubvisa mari yekusimudzira nzvimbo yavari kushandira.

Mukuru werimwe sangano rekuendesa hupfumi kuvatema reZimbabwe Indigenous Economic Empowerment Organisation VaPaddington Japajapa vaudza Studio 7 kuti komiti iyi inofanira kubvunzurudza VaKasukuwere kuti chichaicho chakaitika kwete kupedza nguva vachibvunzurudza vanhu vasina basa.

Vati sangano ravo rinotsigira chirongwa chehurumende chekuti makambani anochera zvicherwa zvemuno abhadhare mari yekusimudzira nzvimbo dzaanoshandira. Mbada Diamonds neMarange Resources ndiwo ega makambani akabvisa zviuru mazana maviri zvemadhora pakambani imwe kupa homwe yeMarange-Zimunya Trust.

Asi kunyange hazvo mari yi yavepo, Trust iyi inonzi haisati yave kushanda nekuda kwenyaya yekuti pane vezvematongerwo enyika vari kupindira mumashandiro ayo.

Kunyange hazvo kwave nemakambani akawanda ari kuchera mangoda kwaMarange, hakuna mari yakawanda iri kuenda kuhomwe yenyika.

Gore rapfuura hurumende yakawana mamiriyoni emadhora ari pasi pemazana maviriri uye gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakati vaitarisira kuwana mari yakawanda kudarika pane iri kupinda muhomwe yehurumende.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG