Accessibility links

Breaking News

Gurukota Rinoona nezveHutano Rinoti Vachabatwa neMhosva yeKuba Mari kuPSMAS Vanofanira Kusungwa


Dr David Parirenyatwa
Dr David Parirenyatwa
Gurukota rinoona nezvezvehutano, VaDavid Parirenyatwa vanoti chirongwa chekugadzirisa zvinhu mukambani yePremier Service Medical Aid Society kana kuti PSMAS chatanga.

Dr Parirenyatwa vanoti vaumba chikwata chine nhengo nhanhatu chichaferefeta kuti zvinhu zvaifamibiswa sei mukambani iyi.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaParirenyatwa vati chikwata ichi chinotungamirirwa nemumwe mukuru mubazi rezvehutano VaGibson Mhlanda uye chirikuongorora mari dzatambirwa nevanhu zvikuru sei vashandi vepamusororo. Pachaferefetwawo mafambisirwo aiitwa basa uye kana chichinge chapedza izvi chichatura zvachinenge chawana kumumusangano wepagore wekambani iyi.

Pamusangano uyu ndipo panotarisirwa kusarudzwa bhodhi idzva rekambani iyi. Dr Parirenyatwa vati hurumende inoda kuti vese vachabatwa nemhosva paongororo iyi vasungwe uye vati hurumende yave mushishi rekuumba bazi richaongorora mashandiro emamedical aid society senzira yekudzivirira kusashandiswa zvakanaka kwemari sezvinonzi zvakaitika muPSMAS.

Kunyange hazvo varumbidza hurumende nekugadzirisa zvinhu muPSMAS, mukuru wesangano reCoalition Against Corruption VaTerry Mutsvanga vati hurumende iri kuita chinono uye izvi zvinofanira kuitwa nechimbi chimbi.

Vaive mukuru wePSMAS VaCuthbert Dube vakadzingwa basa muna Ndira mushure mekuonekwa kuti ivo nevamwe vashandi vepamusoro soro vaitambira mari dzinotyisa asi nhengo dzekambani iyi dzichitadza kurapwa sezvo kambani iyi yaive nechikwereti kuzvipatara, zvitoro zvemushonga nemamwe makambani.

Bhodhi rekambani iyi raitungamirirwa naAmai Meise Namasasu rakazvimisawo basa mushure mekuonekwa kuti nhengo dzebhodhi iri dzaizvitambirisawo mari yakawandisisa apo dzaiita misangano yekambani iyi.

Asi VaParirenyatwa vati kunyange hazvo PSMAS isiri kambani yehurumende, havasi kuzorega kambani iyi ichatambirisa vashandi mari dzawo asi ichitadza kubhadhara zvipatara.

Vatiwo chikwata chavo chichaita kuti mushandi mukuru wekambani iyi atambire zviuru zvitanhatu zvemadhora pamwedzi iyo yakatarwa nedare remakurukota semari inofanira kutambirwa nevakuru vakuru vemakambani ehurumende ari kuita zviri nani.

Mavhiki maviri apfuura vakafanobata chigaro chemukuru wekambani yePSMAS VaFarai Muchena vakaudza komiti iyi kuti vari kuyedza napose pavanogona kubhadhara chikwereti chemamiriyoni makumi matatu nemasere chakasiiwa naVaDube.

VaMuchena vakati vari kubhadhara mamiriyoni masere emabhora mwedzi wega wega uye vanotarisira kupedza kubhadhara chikwereti ichi mukati memwedzi mishoma inotevera.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG