Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Inoti Yakawana Mari Yakawanda yeMitero Mumwedzi Mina Yekutanga Yegore Rino


Ministers Joseph Made (L) and Patrick Chinamasa (R)
Ministers Joseph Made (L) and Patrick Chinamasa (R)
Mukuru wesangano reZimbabwe Revenue Authority VaGershom Pasi neChipiri vakaudza komiti yeparamende inoona nezvehupfumi kuti bazi ravo rakakwanisa kuwana mari yemitero yakatopfuura yavainge vakatarisira.

VaPasi vaudza komiti iyi kuti ichi chishamiso chaicho. VaPasi vanoti mumwedzi yandira, kukadzi nakurume, ZIMRA yakapfuura mari dzayaitarisira nezvikamu zviviri kubva muzana. Izvi zvinoteverawo kutatarika kwakaita nyika mumwedzi mina yekupera kwegore rapera.

Panguva iyi zimra yakatadza kuwana zvayaitarisira nezvikamu gumi nemasere kubva muzana. ZIMRA yakati izvi zvakakonzera nekusafamba zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa vanoti hurumende inotoda chikwereti chakakura kubva kunze kuti imutsiridze hupfumi. Asi veIMF, World bank nevamwe vanopa zvikereti vari kuramba kubatsira Zimbabwe nenyaya yekusabhadhara zvikwereti.
XS
SM
MD
LG