WASHINGTON —
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi varambidzwa nehofisi yegurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaKudakwashe Bhasikiti kunoona pamwe nekusangana nevanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura kuTokwe Mukosi kuMasvingo.
Bato reMDC rinoti VaTsvangirai vanga vachifanirwa kunopa vanhu vari kugara mukamba ye Chingwizi rubatsiro.
Nzvimbo iyi inonzi ine mhuri dzinodarika zviuru zvitatu dzakawirwa nedambudziko remafashamu iri uye vanhu ava vanoda zvekudya nematende ekugara. Vanhu ava vakatamiswa kubva kuTokwe Mukosi vachienda kuChigwizi kuMasvingo kwakare.
MDC-T inoti hofisi yaVaBhasikiti yakarambidza VaTsvangirai kushanyira vanhu ava ikati kana vachida vanofanira kungosiya chikafu pahofisi yedunhu reMasvingo ivo vozoendesa kuvanhu.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vanoti VaTsvangirai vachaendesa havo chikafu ichi kuvanhu kunyangwe varambidzwa kunoona vanhu ava.
Asi VaBhasikiti vanoti VaTsvangirai vakasununguka kushanya kuMasvingo.