Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubhadhara Vamwe Vashandi Vayo Mari Dzavo.


Va Patrick Chinamasa
Va Patrick Chinamasa
Sachigaro wesangano revashandi vehurumende reApex Council, VaRichard Gundani, vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti vamwe vashandi vehurumende havana kupihwa mari yavo yemihoro mwedzi uno.

VaGundani vanoti mauto, mapurisa nevarairidzi vakapihwa mari mwedzi uno asi vamwe vashandi vanoshanda mumahofisi ehurumende havana kupihwa mari dzavo. Hapana tsananguro yapihwa kubva kuhurumende.

VaGundani vanoti zviri kunetsa kunzwisisa kuti chii chiri kuitika muhurumende sezvo hurumende isiri kupindura chikumbiro chesangano iri chekuti vaite musangano. Asi mumwe mukuru mubazi rezvehupfumi audza Studio 7 kuti hurumende iri kutatarika kuwana mari uye zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Mukuru uyu anoti kunyange hurumende ikawana mari, inenge iri shoma kuti ibhadhare vashandi vayo vose panguva imwe chete. Hurumende inonzi iri kushandisa mari inoita zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari yainowana mukubhadhara vashandi vehurumende.

Masangano akaita se International Monetary Fund ari kukurudzira hurumende kuti ideredze bhajeti rayo revashandi vehurumende. IMF inoti hurumende inofanirwa kudzikisa bhajeti rayo revashandi vehurumende.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwe divi ravo. Asi masangano evarairidzi ari kuenderera mberi achinetsana kuti otora danho ripi.

Mukuru wesangano reZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti vari kushushikana kuti hurumende yave nemasvondo mashanu isina kupindura tsamba yekuti vaite musangano wekuti mari yakavimbiswa kuvedzerwa vashandi vehurumende inouya rinhi.

Mukuru wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vanoti nyaya yekunyorerana zvibvumirano yadarika pave kuchida kuonekwa kuti potorwa danho ripi kana hurumende ikaramba ichiita zvemugotsi matsuro.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG