Accessibility links

Breaking News

World Bank Yobatsira Kumutsiridza Hupfumi hweZimbabwe


world bank
world bank
Bhanga guru repasi rose, reWorld Bank, raparura neChitatu gwaro reongororo yekuona kuti hupfumi hwenyika hungavandudzwe sei.

Bhanga guru rinokweretesa mari iri range richishanda nebazi rinoona nezvegwara rehupfumi kana kuti Economic Planning.

World Bank yakambomira kupa Zimbabwe mari nenyaya yekuti Zimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti.

Zimbabwe ine chikwereti chinopfuura mabhiriyoni gumi nerimwe emadhora kunyika dzekunze. Izvi ndizvo zvopa kuti World Bank ingobatsire Zimbabwe neruzivo chete sezvo yakatyora zvibvumirano zvekubhadhara mari dzechikwereti kumabhanga anokweretesa pasi rose.

Hupfumi hweZimbabwe hauna kumira zvakanaka izvo zvava kupa kuti irambe ichideredza muonero wavo pakuti hupfumi hungakwire nezvikamu zvakadii.

Munyori mubazi rezvegwara rehupfumi, VaDesire Sibanda, vanoti vanofunga kuti vakatevedzera zviri kutaurwa neWorld Bank zvinhu zvinogona kufamba zvakanaka mukugadzirisa hupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG