Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Zimbabwe Inoda Mari Yakawandisa Kuti Ivandudze Hupfumi


MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti hupfumi hwenyika huri kutoda kuti Zimbabwe iwane mari ine chitsama yainopihwa kamwe chete kuti hupfumi hwenyika husimudzirwe zvine mutsindo.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChishanu, munyori anowona nezvehupfumi mu MDC-T, Va Webber Chinyadza, vati hupfumi hwenyika hwaenda kumawere nepamusana pekutadza kutonga kuri kuita hurumende ye Zanu PF vachiti hupfumi hwenyika huri kutadza kukura kusvika pahwakambosvika muna 1972 nyika isati yawana kuzvitonga kuzere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kuti zvinhu zvinakire veruzhinji munyika, Va Chinyadza vati pave kutoda mari ine chitsama inopihwa nyika kuti isimudzire kumutsiridzwa kwemaindaisitiri, nyaya dzekurima, kucherwa kwezvicherwa pamwe nezvimwe zvese zvakabata hupfumi hwenyika.

Va Chinyadza vati hurumende haisi kukoshesawo nyaya dzekurima dzinove dzakabata hupfumi vachiti hurumende haisi kuisa mari yakawanda munyaya dzekudiridzira sezvo mamiriro ekunze ari kushanduka.

Vati panofanirwa kuiswa mari inoita bhiriyoni rimwe nemazana manomwe ezviuru zvemadhora munyaya dzekurima asi chiri kuvashamisa ndechekuti hurumende yakaisa miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu zvemadhora munyaya dzekudiridzira zvirimwa mumwaka wegore rino.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri we Zanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi.

Asi mutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri we Zanu PF, Va Robert Mugabe, vakaudza nyika neChipiri kuti vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchasimuka kubudikidza nekusimbaradza nyaya dzekurima.

Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda vakazvimiria, Va Masimba Manyanya, avo vaimbova mukuru aiwona nezvehupfumi mubazi rezvemari, vaudza Studio7 kuti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Nekune rumwe rutivi, gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, neChina vakakumbira masangano anokweretesa mari akaita se International Monetary Fund ne World Bank kuti abatsire Zimbabwe nekuikweretesa mari kuti hurumende igadzirise zviri kunetsa muhupfumi hwenyika.

Va Chinamasa vanoti Zimbabwe yave nemakore anodarika makore gumi isati yambowana kana kobiri kubva ku World Bank vachiti hurumende iri kushushikana zvikuru nekusapihwa mari kwairi kuitwa nebhanga repasi rose iri.

Asi mumiriri we World Bank mu Zimbabwe, Va Guang Zhen Chen, vakaudza Va Chinamasa kuti Zimbabwe inofanira kugadzirisa mitemo yose nezvimwe zvese zviri kutadzisa kuti vekunze vanoda kuzosima mari munyika vauye.

Mumiriri weIMF muZimbabwe, VaChristian Beddies, vakaudza Studio7 kutanga kwesvondo rino Zimbabwe inofanirwa kutanga yabhadhara zvikwereti zvayo zvose kuitira kuti ipihwe chikwereti chitsva.

Va Manyanya vati chimwe chinoda kugadziriswa inyaya dzematongerwo enyika kuti Zimbabwe ikwanise kuwana mari yairi kuda iyi.

Zimbabwe ine chikwereti kunze chemari inoita mabhiriyoni masere nezviuru mazana mana emadhora.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kutadza kuri kuita Zimbabwe kubhadhara chikwereti ichi kumasangano anokweretesa mari kuri kuita kuti hurumende isakwanise kupihwa zvimwe zvikwereti zvemiri yairi kuda kusimudzirisa hupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG