Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakaberekwa Nyika Yawana Kuzvitonga Vokura Vachiomerwa neHupenyu


Zimbabwe Youths
Zimbabwe Youths
Vazhinji vevanhu vakazvarwa panguva iyo nyika yakawana kuzvitonga kuzere nemumakore mashoma akatevera, avo vanowanzozivikanwa nerekuti born-free generation, vanoti vari kurarama hupenyu hwekutamburira.

Mumwe murume uyo anoda kuziikanwa nezita rekungoti James ndemumwe weveruzhinji rwevechidiki vakazvarwa nyika yawana kuzvitonga.

Achitarisa nhoroondo yehupenyu hwake apo nyika iri kupemberera makore makumi matatu nemana ekuzvitonga mangwana, James anoti kunyange hazvo achifara kuti hurumende yakakwanisa kumubhadharira muzvidzidzo zvake zvepamusoro soro, haafare nekuti haana kuwana basa raaida mushure mekuita zvidzidzo izvi.

James, uyo ane dhigirii reB-A muChirungu , anoti chido chake chaive chekuti aite basa muchikamu chekutapa nhau kana kufambiswa kwemashoko.

Asi nekuda kwekushaikwa kwemabasa James akazoona zviri nani kuti aite basa reudzidzisi pane kugara pamba asina chekubata.

Zvisinei kuti mumakore ake makumi matatu nematatu ekuzvarwa hapana mumwe mutungamiri akavepo munyika kunze kwaVaRobert Mugabe veZanu PF, James anoti anoziva zvakawanda zvinoita kuti afunge kuti hupenyu hwake nehweruzhinji hungadai huri nani pane zvahuri.

Kunyange hazvo achiti haagutsikane nezvaari muhupenyu, James ndemumwe wevezera rake vanotonzi vari kurarama hupenyu huru nani sezvo vamwe vechidiki vakawanda vakadzidza saiye vasina mabasa uye vari kurarama hupenyu hwehwakumukwaku.

Hurumende haichina mari yekubhadharira vanhu vari muzvikoro zvepamusoro soro sezvayaichiita kare uye veruzhinji vave kunetseka kuwana mari yekuendesa vana vavo kuchikoro nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Muzvare Tinaye Shumba vakaberekwa makore maviri nyika yawana kuzvitonga.

Muzvare Shumba vakanyora bvunzo dze'O' muna 1999, vakamborarama vachiita zvekutenga nekutengesa zvinhu sezvo vaive vasina kubuda zvinotarisirwa pazvidzidzo zvavo.

Kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi, Muzvare Shumba vakazoita rombo rakanaka rekuwana basa, uye vanoti ivo vane maonero ekuti kunyange zvinhu zvakaoma, fundo yakakosha.

Muzvare Shumba vari kuwedzera zvidzidzo zvavo vachiti vane chivimbo chekuti izvi zvinogona kuita kuti vawane basa riri nani.

Hurumende inoti mumakore gumi ekutanga nyika yawana kuzvitonga, huwandu hwevadzidzi kubva muzvikoro zvedzidzo yepasi kusvika zvepamusoro, hwakakura kubva pamiriyoni imwe chete kusvika pamamiriyoni matatu.

Kukoshesa dzidzo kwaiita hurumende ichivaka zvikoro pamwe nekubhadharira vadzidzi mari kwakaita kuti dzidzo yemuZimbabwe ive imwe yepamusoro-soro munyika dzemuAfrica.

Asi pakatanga kuwondomoka hupfumi pakunopera kwemakore ekuma1990, zvinhu zvichizonyanyoipisisa mugore ra2007, zvinhu zvakabva zvatanga kuondomokawo munyaya dzedzidzo, vanhu vakawanda vave kubuda vachinotsvaga hupenyu huri kune dzimwe nyika.

Nekuda kwekuti zvinhu zvichakangooma munyika, vamwe vanhu vave kuti hupenyu hweveruzhinji hwaive nani nyika isati yawana kuzvitonga vachiti panguva iyi vanhu vaive nemabasa uye vaikwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro nekuriritira mhuri dzavo zvakafanira.

VaNorbert Nhutsve, avo vanoshanda neimwe kambani yehurumende, inyanzvi muzvidzidzo zvenhoroondo.

Vachitaura vakazvimirira, VaNhutsve vanoti kunyange hazvo zvinhu zvaive nani nyika isati yawana kuzvitonga, vanhu vatema vashoma ndivo vaiwaniswa mikana yekuita mabasa aivapa mugove wakanaka.

VaDydmus Dewa vanodzidzisa zvidzidzo zvebudiriro paZimbabwe Open University. Vachitaurawo vakazvimirira, VaDewa vanobvuma kuti hurumende ine zvakawanda zvayakaita mukusimudzira veruzhinji kubvira apo nyika yakawana kuzvitonga.

Asi VaDewa vanoti vanobvumirana nemawonero ekuti vechidiki vakawanda havana chekupemberera sezvo vazhinji vavo vari ivo vari kunhonga svosve nemuromo izvo vanoti zvave kuita kuti vagare vachishandiswa mukuita zvisina kunaka mune zvematongerwo enyika.

VaDewa vanoti pane kuti hurumende irambe ichivaka zvikoro zvepamusoro izvo zviri kugaroburitsa vadzidzi vanozosweroritaira mumigwaga, dai hurumende yagadziridza dzidzo yemunyika kuti igokwanisa kupa vadzidzi hunyanzvi hwekukwanisa kutanga makambani avo pachavo - kwete kuti vatsvage mabasa.

Kune vamwe vane maonero ekuti vechidiki vemazuvano havana hushingi hwakafanana nehwaive nevevezera ravo avo vakarwa muhondo yerusununguko, vachitizve kushaya hushinga uku ndiko kuri kuita kuti vechidiki ava vatadze kutungamira mukuedza kugadzirisa matambudziko ari munyika.

Asi VaDewa vanopikisana nemaonero aya vachiti mamiriro aive akaita zvinhu panguva yehondo akasiyana nemamiriro akaita zvinhu pari zvino.

Panyaya yechirongwa chehurumende chekuti vechidiki vaite national service, VaDewa vanoti izvi hazvina kuipa.

Asi vanoti chirongwa ichi hachaifanirwa kushandiswa kudzidzisa vechidiki gwara rebato rimwe chete rezvematongerwo enyika kana kusimudzira zvinangwa zvebato iri.

VaKudakwashe Munengiwa, avo vane makore makumi matatu nemana ekuberekwa, inhengo yeStanding Committee yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

VaMunengiwa vanobvumirana naVaDewa vachiti chirongwa che national service chinoitwa munyika dzakawanda nenzira dzinobatsira vechidiki zvisingazounze kupokana munyika.

Kune dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti kunyange hazvo Zimbabwebwe ine mukurumbira wekuve nevanhu vakadzidza, hapana zvakati tsvikiti zviri kuitwa nevanhu ava mukuedza kuburitsa nyika mumatope mairi.

Kazhinji kazhinji, munyika dzakawanda vechidiki ndivo vanowanzotungamira mukugadzirisa zvinenge zvichinetsa. Asi muZimbabwe pachine mubvunzo wekuti vechidiki ava, kusanganisira ma' born free' vangakwanisa here kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika?
XS
SM
MD
LG