Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inoita Mangange neCaps United


Dynamos FC
Dynamos FC

Vateveri venhabvu vabuda muNational Sports Stadium vachigunun’una neMuvhuro masikati mushure memutambo weCaps United neDynamos uyo wapera ari mangange.

Zvikwata izvi zvanga zvichitadza kupanana bhora sezvinoita zvikwata zvenhabvu yepamusoro zvekuti vamwe vatsigiri venhabvu vatobuda mutambo uyu uri pakati vaneta nenhabvu yavanga vachiona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chanyanyorwadzsa veruzhinji ndechekukwidzwa kwaitwa mari yepagedhe apo vanogara panzvimbo dzisinganyanyodhura vabhadhariswa madhora mashanu kunze kwemadhora matatu avanowanzobvisiswa.

Izvi zvaita zvekare kuti munhandare iyi musauye vanhu vakawandisa avo vanowanzouya pose panotamba zvikwata zviviri izvi.

Asi chikwata cheCaps United ndicho chatanga kumwisa nechibodzwa chabva kuna George Nyirenda, Dynamos ikazodzorawo nepenareti yamwiswa ne Quadr Amini mushure mekunge Ronald Chitiyo apunzwa.

Mangange aya asiya Dynamos ichitungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League nemapoinzi gumi kubva mumitambo mina.

Caps United ine mapoinzi manomwe kubva mumitambo mitatu mushure mekutadza kutamba mumwe mutambo wavo neHow Mine.

Mimwe mitambo yatambwa nhasi yapera seizvi.

Dongo Sawmill... 0 Triangle.... 1

Tsholotsho... 1 Hwange... 1

Buffaloes... 0 Highlanders... 0

Mutambo pakati peChapungu neZPC Kariba hauna kutambwa nemhaka yekuzara kwanga kwakaita mvura munhandare zvichitevera kunaya kwakaita neSvondo.

Chikwata cheFC Platinum, icho chisina kutamba mitambo pahorodhi yeEaster nemhaka yemutambo wavo weCaf Confederation Cup neYoung Africans yekuTanzania, chichatamba ne Flame Lilly nemusi weChitatu.

XS
SM
MD
LG