Saturday, April 19, 2014 Local time: 14:29

Nhau / Matongerwo eNyika

Zimbabwe Yobatana neSADC Pakuendesa Mauto kuDRC

x
TEXT SIZE - +
Violet Gonda
— Zimbabwe inoti iri kutumirawo mauto ayo kunochengetedza runyararo kuDemocratic Republic of Congo, DRC, pasi pesangano reSADC.

Hurumende yeDRC iri kurwiswa nechikwata cheM23 icho chakambotora guta rakakosha reGoma munguva pfupi yapfuura.

Chisungo cheSADC chekutumira mauto chakaitwa pamusangano wemubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica wakapera neMugovera kuTanzania.   

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti Zimbabwe, sezviri kuitwa nedzimwe nyika dzemuSADC, ichaendesawo mauto ayo kunochengetedza runyararo uye hapana mari yenyika ichashandiswa.

VaBimha vanoti mari ichabva kuSADC nemasangano akafana neAfrican Union ne United Nations.

Zimbabwe yakambotumira mauto ayo zvisina SADC mukati muna 1998 ichitsigira hurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu Laurent Kabila, avo vakanga vapandukirwa nezvimwe zvizvarwa zvenyika yavo. Vairwisa hurumende yamushakabvu Kabila vanonzi vaitsigirwa neUganda neRwanda.

Pakaendeswa mauto kuDRC muna 1998, paramende haina kunge yasumwa nezvedanho iri, asi hurumende yaVaRobert Mugabe munguva iyo Zanu PF yaitonga yega, yakati yakanga yatora danho iri sezvo Zimbabwe yakanga iri iyo sachigaro wekomiti yeSADC yaiona nezvekudzivirirwa pamwe nezvematongerwo enyika.

Ukuwo South Africa, iyo yaive sachigaro weSADC panguva iyi, yaiti Zimbabwe yakanga yaita humbimbindoga pakutumira mauto ayo kuDRC isina kugara pasi nevamwe vayo muSADC.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekupindira muhondo yeDRC iyi yakapa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere, sezvo Zimbabwe yaishandisa mari yayo muhondo iyi.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook