Chitatu, Gunyana 02, 2015 Local time: 20:55

Nhau / Africa

Vamwe Vagari vekwaMutare Vanoti Havasati Vaona Gwaro reBumbiro Idzva

x
Loirdham Moyo
Vamwe vagari vekwaMutare vanoti havasati vawana mukana wekuti vazive zviri mugwaro rebumbiro idzva iro richaendeswa kureferendamu mwedzi unouya.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa maMutare wekuzeya zviri mugwaro rebumbiro idzva, uyo wange wakarongwa nesangano re Churches in Manicaland.

Vachitaura pamusangano uyu, mumwe mugari wemaMutare, uye vari nhengo yeAnglican Church, Reverand Abel Waziweyi, vati bumbiro idzva rinofanirwa kushambadzirwa kuvanhu uye kuti ringe riri mururimi rwaamai.

Mumwe mugari wekwaOdzi apindawo mumusangano uyu, VaAlfred Chipuka, vatiwo ivo nevamwe vavo havasati vawana gwaro rebumbiro iri, izvo vati zvichaita kuti zvinetse kuti vanhu vacharivhotera sei.

Mumwe mudzidzi wepa Mutare Polytechnic, VaEdward Manono, vanoti veCOPAC vanofanirwa kuwedzera huwandu hwemabhuku egwaro rebumbiro idzva, kuitira kuti vanhu vakawanda vazive zviri mugwaro iri.

Vachitaurawo pamusangano uyu, muzvinafundo munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro veNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vatiwo kusavapo kweruzivo rwakazara pabumbiro idzva hazvivatadzisi kuti vakurudzire veruzhinji kuti vasarivhotere pareferendamu.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vati havanei nezviri kuitwa neVaMadhuku nesangano ravo. VaMwonzora vati VaMadhuku vakasununguka kusavhotera bumbiro idzva iri. Asi vati vana veZimbabwe vanoziva zvavanodira bumbiro idzva richaendeswa kureferendamu musi wa 16 Kurume.

Musangano uyu wapindwa nevamiriri vemachechi akasiyana-siyana, vatori venhau, vadzidzi, vemasangano akazvimirira oga, vagari vemaMutare, vemabhizinesi pamwe nevatsigiri vemapato ezvematongerwo enyika.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa - Congo Warlord 'The Terminator' Pleads Not Guilty at ICC - September 2, 2015

Netherlands: The trial of a former Congolese rebel leader Bosco Ntaganda begins at the International Criminal Court in the Hague. Onai zvimwe

Zimbabwe Yosiyana neChirongwa Chekuendesa Hupfumi kuVatema Kunze KwekuMigodhi

Gurukota rinoona nezvemaindustry VaMike Bimha vatsinhirawo kuti hurumende yasendeka parutivi chirongwa chekutora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kumakambani anenge achida kuvamba mabhizimisi munyika. Onai zvimwe

Nzara Yopfunya Chisero kuNzvimbo dzeKuchamhembe kweNyika

Sangano rinoongorora mamiriro akaita zvinhu munyaya dzchikafu reFewsnet rinoti nzvimbo dziri kuchambe kwenyika dzatarisana nenzara inotyisa nekuti hadzina chekudya. Onai zvimwe

Shorama YekuNigera VaAliko Dangote VoRonga Kuvamba Mabhizimisi Munyika

Hurumende inoti imwe shoroma yekuNigeria vaAliko Dangote avo vanonzi ndivo vakapfumisisa muAfrica yose, varikuronga kuvamba mabhizimisi munyika munyaya dzekuchera marasha, kugaya magetsi nesimende. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes

Facebook