Mugovera, Kukadzi 13, 2016 Local time: 19:09

    Nhau / Africa

    Magweta Anorwira Kodzero Anopihwa Mibairo

    Zimbabwe Police Arrest Human Rights LawyersZimbabwe Police Arrest Human Rights Lawyers
    x
    Zimbabwe Police Arrest Human Rights Lawyers
    Zimbabwe Police Arrest Human Rights Lawyers
    Irwin Chifera
    Sangano remagweta anorwira kodzera dzevanhu, reZimbabwe Laywers for Human Rights, rakapa mubairo neMuvhuro manheru kumagweta maviri ayo rinoti akaratidza hushingi munyaya  dzekumirira kodzera dzevanhu munyika mugore rino.

    Magweta aya  ndaVa Raymond Moyo, avo vakamirira svondo yeAnglican Church inotungamirirwa naBishop Chad Gandiya munyaya iyo yavairwisana naVaNolbert Kunonga, mukuru weAnglican Church of the Province of Zimbabwe, pamwe naVa Charles Kwaramba, avo vari kumirira nhengo makumi maviri nepfumbamwe dzeMDC dziri kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa mumusha weGlen View gore rapera.

    Vachitaura pamabiko ekupemberera kodzero dzevanhu, gweta rinorwira kodzero dzevanhu,  Amai Beatrice Mtetwa, avo vange vaine mubairo uyu, vakati magweta maviri aya akaratidza hushingi uye akashungurudzwa apo aiita basa rawo rekumirira svondo yeAnglican pamwe nenhengho dzeMDC.

    Mumashoko avo ekutambira mubairo uyu, VaMoyo vakati pavakabvuma kumirira svondo yeAnglican inotungamirirwa naBishop Gandiya muna 2007, havana kuziva kuti nyaya iyi yaizotora makore akawanda.

    VaMoyo vakati nyaya iyi yakazooma zvikuru sezvo pakapinda nyaya dzematongerowa enyika mukati. Asi vakati vakabudirira sezvo vakawana rubatsiro kubva kumasangano akaita seZimbabwe Laywers for Human Rights.

    VaKwaramba, avo vakatukwa nekushoropodzwa nemutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakati mubairo uyu uchavasimbisa pabasa ravo rekurwira kodzero dzevanhu.

    VaBhunu vakati sangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe rinofanira kuongorora VaKwaramba mushure  mekunge vataura nevemapepanhau vachishoropodza VaBhunu nedare repamusoro panyaya yenhengo dzeMDC idzo dzagara mutorongo kwenguva inodarika gore pasina mutongo wapihwa.

    Mutauriri weZimbabwe Laywers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 kuti mibairo yakapihwa VaMoyo naVaKwaramba wakakosha chose.

    Gungano iri rakapindwa nevanhu vakawanda kubva kuhurumende, vatongi vematare epamusoro, vamiriri veUnited Nations nemasangano akazvimirira nevamwe.

    Gore negore Zimbabwe Laywers for Human Rights inopa mubairo kumagweta anenge aita basa guru mukurwira kodzero dzevanhu.

    Sangano iri rinoita izvi pazuva rekucherechedza kodzero dzevanhu pasi rose,  kana kuti International Human Rights Days musi wa10 Zvita.

    You May Like

    VaChris Mutsvangwa Vodzingwa muZanu-PF

    VaMutsvangwa nevamwe vavo vari kupomerwa mhosva yekusaremekedza mutungamiri weyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugab Onai zvimwe

    Senator Hlalo Vanodzingwa muMDC-T

    VaSibanda vanoti VaHlao vakapihwa mukana wekuuya kuzozvichenura kudare reNational Couuncil asi vakaramba. Onai zvimwe

    VaTsvangirai Vanoramba Vachikwezva Chaunga kuMisangano Yavo kuMasvingo

    Munyori mukuru muMDC-T VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda vakauya pamusangano wakaitirwa paNgundu Growth Poi Onai zvimwe

    Gonzo naChin'ai Zvotosvorana: Amai Mugabe Vonetsana naVaMnangagwa

    VaMngangagwa vanonzi ndevamwe vevari muZanu PF varikuda kutora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kana vachinge vabva pachigaro. Onai zvimwe

    Chicken Inn Yokweshana neSundowns yekuSouth Africa muCAF Champions League

    Mutsigiri weChicken Inn VaLevison Ndudzo vanoti chikwata chavo chinokwanisa chete kukanganisa Khama Billiat kuti asatambe semazuva ese vanokunda. Onai zvimwe

    Facebook