Accessibility links

Breaking News

Peji reZvirikufaya naKedha Robatanidza Zvizvarwa ZveZimbabwe.


Curtis Smith - Kedha
Curtis Smith - Kedha

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCanada Curtis Smith uyo anozivikanwa padandemutande re Facebook sa Kedha anoti arikushandisa peji rake reZvirikufaya naKheda kubatanidza vanhu vari munyika nekunze zuva nezuva.

Kedha anoti akatanga peji iri asina ruzivo rwekuti zvizvarwa zve Zimbabwe zvemarudzi akasiyana siyana zviri kunzvimbo dzakasiyana siyana pasi rose zvichafarira kuyanana panzvimbo imwe sezvavari kuita parizvino. Kedha ane zvizvarwa zveZimbabwe zviri pa peji rake zvinodarika zviuru makumi manomwe nematatu.

Anoti arikushandisawo peji rake kubatsira vanoshaya uye vamwe vakatowana rudo ipapo izvo zvirikufadza vazhinji.

Kedha parizvino anoti arikushanda nevamwe mukuisa zvinhu pa peji rake sezvo iyi arikugadzirira kuenda kumusha uko ari kuita muchato nemudzimai wake kupera kwegore.

Kedha anoti shuwiro yake ndeyekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviyanane pasi rose.

Anotiwo parizvino arikushanda nemamwe makambani akawanda kuti awane rutsigiro rwekutanga zvekutepfenyura paterevhizheni.

Parizvino zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri kunze kwenyika zvinoshandisa dandemutande reFacebook ne WhatsApp nemamwewo mukuedza kugara vachiziva zvirikuitika kune dzimwe nyika.

Hurukuro NaCurtis Smith We Zvirikufaya NaKeda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG