Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro Rinoti Kusungira Vanhu Mhosva yeKusvibisa Mazita eVamwe Kutyora Mutemo


Gavel
Gavel
Dare reConstitutional Court neChina rakapa mutongo wekuti nyaya yekusunga vatori venhau vachinzi vanenge vasvibisa mazita evanhu kutyora bumbiro remutemo wenyika uye zvichikanganisa nyaya yekuburitswa kwemashoko.

Asi dare iti rakati kana gurukota rezvemitemo VaEmmerson Mnangagwa vasingawirirane nemutongo uyu vakasununguka kupikisa asi vachifanira kuita izvi nechimbi chimbi.

Dare rati nyaya yekuti vanhu vakandwe mujeri kwemakore maviri vachinzi vasvibisa zita remunhu haina nematuro ose. Izvi zviri mumutemo weCriminal Law (Codification and Reform Act).

Nyaya iyi yainge iri pakati pevaimbova chipangamazano chagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe VaMunyaradzi Kereke nevatori vebepanhau reStandard VaNevanji Madanhire NaVaNqaba Matshazi.

Vaviri ava vainge vanyora mashoko ekuti kambani yaVaKereke yeGreen Card mMedical Aid Society yainge yotadza kubhadhara nhengo dzayo.

Vatori venhau ava vakaendesa hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende vachiti yainge yoshandisa mitemo inotyora kodzero dzavo.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti nyaya iyi yakakwidzwa kumatare muna Mbudzi 2011.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tichiri munyaya dzekumatare, mutongi wedare repamusoro reHigh Court Amai Easter Muremba neChina vakapa nhengo yechechi yeJohanne Masowe yeChishanu mukana wekubvisa mari yechibatiso inosvika zana remadhora.

Nhengo makumi maviri neina idzi dzakasungwa dzichipomerwa mhosva yekurova mapurisa, mutori wenhau nenhengo dzeApostolic Christian Council of Zimbabwe kumusha wevazhinji weBudiriro.

Dare ramajastiriti raimbenge ravanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso. Asi nhengo dzechechi idzi dziri kutiwo dzakarohwa nemapurisa dziri muhusungwa.
XS
SM
MD
LG