Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Voudza Vakuru muHurumende Kuburitsa Gwaro reBumbiro Idzva


Simba Makoni
Simba Makoni
Mutungamiri weMavambo Kusile Dawn, kana kuti MKD, VaSimba Makoni, vanoti komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika yeCOPAC inofanira kubuditsa gwaro rezvakabvumiranwa nevatungamiri vemapato ari muhurumende.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChitatu, VaMakoni, vati COPAC inofanira kubuditsa gwaro rezvakawiriranwa pakati pevatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa kuitira kuti veruzhinji vasaite zvekunzwa nemakuhwa.

Mutungamiri wenyika,Va Robert Mugabe, mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wavo muhurumende, Va Arthur Mutambara, pamwe nemutungamiri werimwe bato reMDC duku, Va Welshman Ncube, vakabvumirana svondo rapera pane zvavanga vasiri kuwirirana mumapato avo panyaya yekunyorwa kuri kuitwa bumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMakoni vanoti zvavari kuziva zvakawiriranwa nevatungamiri ava, kubudikidza nemashoko akaburitswa munhau zvinoratidza kuti vatungamiri ava vari kuda kuchengetedza zvigaro zvavo chete.

Va Makoni vanoti kana gwaro iri rabuda, bato ravo ndipo parichatora danho rekuti rotsigira here bumbiro iri kana kuti kwete.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reCOPAC panyaya yegwaro iri.

VaMakoni vanoti zviri kutaurwa nemumwe wemasachigaro eCOPAC anomirira Zanu PF, Va Paul Mangwana, zvekuti kana bumbiro riri kunyorwa iri rikarambwa neveruzhinji pareferendamu pachaitwa sarudzo pachishandiswa bumbiro raivepo pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa, hazvisi pamutemo.

Bumbiro remitemo riri kushanda pari zvino rinodoma VaMugabe kuti ndivo vachange vari mutungamiri wenyika uku VaTsvangirai vari mutungamiri wehurumende. VaMakoni vati dare reparamende rinotofanira kuvandudza bumbiro iri kuitira kuti zviri kutaurwa naVaManagwana izvi zviitike.

Panyaya yesarudzo, VaMakoni vati vari kuronga kuumba mubatanidzwa wevanhu vari kurwira shanduko munyika uchapinda musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino.

VaMakoni vakakwikwidza musarudzo dzemuna 2008 vakazvimirira, asi vachitsigirwa nebato re MDC yaitungamirwa na Arthur Mutambara, VaWelshman Ncube vari munyori mukuru webato iri, zvakakonzera kuti pave nekupatsanurana kwemavhoti zvakazoita kuti paitwe sarudzo dzechipiri idzo dzisina kuzofambiswa zvakanaka pakazopedzisira paumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Sangano re National Constitutional Assembly rinoti richakurudzira veruzhinji kuti vasatambire gwaro rebumbiro idzva pareferendamu ichaitwa munyika sezvarakaita pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti izvi zvinogona kutadza kuitika rwendo rwuno nekuti NCA yakabatsirwa neMDC panwe nevashandi mureferendamu ya 2000.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG