Accessibility links

Breaking News

Ongororo Itsva Inoti Vakawanda Havadi Bumbiro Rinonyorwa neHurumende


Imwe ongororo yakaitwa nechimwe chikoro chepamusoro chekuIndia, cheChrist University, chichishanda pamwe nemutungamiri weDemocratic Party muZimbabwe, VaWurayayi Zembe, inoratidza kuti veruzhinji muZimbabwe havasi kufarira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chiri kutungamirwa nehurumende yakaisa paramende pamberi.

Vachiparura zvakabuda mutsvagiridzo iyi, izvo zviri mugwaro rakanzi Developing a Democractic Constitutional Framework Through a People Driven Constitution-Making Process for Zimbabwe, VaZembe vati vanhu vakatiwo havadi kuti hurumende, paramende kana mapato ezvematongerwo enyika atungamire kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo asi kuti vanoda kuti rinyorwe nekomiti yevanhu pachezvavo.

Vatiwo muongororo yavo veruzhinji vanoti havasi kufara nemanyorerwe ari kuitwa bumbiro idzva iri, vamwe cahiti havana kunyatsopa pfungwa dzavo zvakakwana sezvo paive nekutyityidzirana.

Mukuru wesangano idzva ravana chipangamazano, reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti vanowirirana nezvakabuda mutsvagiridzo iyi nekuti zviri pachena kuti chirongwa chebumbiro idzva chiri kutungamirwa nemapato ezvematongerwo enyika.

VaRuhanya vanotiwo makakatanwa ari kuitika pakunyorwa kwebumbiro pari zvino anoratidza pachena kuti haanei nezvido zvevanhu, kana zvavakataura, asi zvido zvemapato ari kunyora bumbiro iri.

Zvimwewo zvakabuda muongororo yaVaZembe, avo vagara vachipikisa chirongwa cheCOPAC , ndezvekuti zvikamu makumi manomwe nezvina zvevanhu kubva muzana vakabvunzurudzwa, vakati vanoda kuti Zimbabwe izvibhadharire mari yekunyorwa kwebumbiro rayo, kwete kuda kubatsirwa nevekunze.

Asi VaRuhanya vanoti kunyange hazvo pasina chakashata kuti mamwe masangano nedzimwe nyika abatsire pakunyorwa kwebumbiro remitemo sezvo masangana aya agara kare achibatsira munyaya dzedzidzo, hutano, nezvimwe, nyika inofanira kuburitsawo mari yayo kana ichikoshesa bumbiro rayo.

Ongororo iyi yakaitwa kubva muna Zvita wegore rapfuura kusvika muna Zvita gore rino uye pakabvunzurudzwa vanhu chiuru nezana nemakumi maviri, pamwe nemasangano makumi matanhatu nemanomwe kubva mumatunhu ese munyika.

Kunyange hazvo mamwe masangano akaita seNational Constitutional Assembly, iyo yakamboshandawo naVaZembe, ari kupikisawo chirongwa cheCOPAC, COPAC inoti inomirira vanhu sezvo iri komiti yeparamende yemapato ari muhurumende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG