Friday, October 31, 2014 Local time: 09:45

Nhau / Africa

VaMugabe naVaTsvangirai Vokurudzira Runyararo Muchirongwa Chekuzeya Gwaro reBumbiro

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambaraVaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
x
VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara
Irwin Chifera
Musangano wekuzeya zviri  mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika, watanga neMuvhuro mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachikurudzira runyararo pamusangano uyu, vachiti sarudzo dzemunyika dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.

Asi mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, varamba kupinda mumusangano wekuvhura chirongwa ichi vachitsutsumwa nekupihwa mukana wekutaura kwaitwa mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara.

VaMugabe vati vanhu vanofanira kukwenenzvera gwaro iri murunyararo vachiti  mhirizhonga haifaniri kushandiswa zvachose pakugadzirisa kusawirirana pakati pevanhu munyika.

VaMugabe vati vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ndivo vanofanira kuudza nhengo dzemapato avo kuti dzisiyane nemhirizhonga pamwe nekuti vashande pamwe chete murunyararo.

Vati kunyorwa kwebumbiro kunofanira kuchipedzwa kuitira kuti nyika ikwanise kuita referendamu nesarudzo.

Vatiwo kunyange hazvo chirongwa ichi chiri kutungamirwa nekomiti yeparamende, vatungamiri vehurumende yemubatanidzwa ndivo vane rekupedzisira pabumbiro iri.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakurudzirawo runyararo vachiti  vanhu vemuZimbabwe vanofanira kushanda  pamwe murunyararo pakunyorwa kwebumbiro remutemo kuitira kuti vagadzirise  remangwana reZimbabwe.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaudza vanhu vapinda mumusangano uyu kuti zvakakosha  kuti vaone kuti bumbiro iri rinochengetedza veruzhinji kubva kuvatungamiriri vavo.

Vatiwo vanofanira kuona kuti paiswa zviga zvinoita kuti bumbiro iri ritevedzwe vakati bumbiro riripo haritevedzwi dzimwe nguva.

Zvichakadai, VaNcube nebato ravo havana kupinda muchikamu chekuvhurwa kwemusangano uyu  vachitsutsumwa nekuti VaMutambara vange varipo.

Vachitaura nevatori venhau mushure mechikamu ichi, VaNcube vati mapato ese ari muhurumende ainge abvumirana kuti VaMutambara vainge vasingazotaura pamusangano uyu. Asi vati vazoshamisika vave kuudzwa nekuti VaMugabe vange vaudza komiti yeparamende iri kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC kuti havaizopinda mumusangano uyu kana VaMutambara vasipo.

Vatiwo kunyange havo vasina kupinda muchikamu chekutanga chemusangano uyu, nhengo dzebato ravo dzichapinda mune zvimwe zvikamu zvinotevera.

Vatiwo vanoziva kuti VaMugabe vari kuronga kuuraya chirongwa cheCOPAC  nekuti vane hurongwa hwekuda kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro remutemo chipedzeswe nekomiti yedare remakurukota rinenge richitungamirwa naVaMutambara.

VaNcube vati vaita musangano nenhumwa  dzemuyananisi panyaya yegakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, idzo dziri munyika kuzoongorora mafambisirwo emusangano weSecond All Stakeholders Conference vachitsutsumwa nenyaya yekuti VaMugabe naVaTsvangirai vari kuramba kutevedzedza chisungo cheSouthern African Development Community chekuti VaNcube ndivo mumwe wevatungamiri vehurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro kuWestminster University muLondon kuBritain, vanoti zvichemo zvaVaNcube ndezvechokwadi asi vakati VaMugabe ndivo vari kukonzera zvose izvi.  

Vati zvakakosha kuti mapato maviri eMDC arwise VaMugabe akabatana.
Musangano wekuzeya zviri mugwaro rebumbiro idzva wakatarisirwa kupera neChipiri.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Dzimwe Nhengo dzeZanu PF Dzinoratidzira Dzichitsigira Amai Mugabe

Zvinhu zvinonzi zvaita manyama amire nerongo mubato reZanu PF zvichitevera kuratidzira kwaitwa nenhengo dzebao iri muHarare. Onai zvimwe

South Africa Yobvuma Kuferefeta Vatyori veKodzero muZimbabwe?

Hurumende yemuSouth Africa inoti ichatevedza mutongo waturwa neChina nedare repamusoro soro wekuti mapurisa emunyika iyi pamwe nevachuchisi vehurumende vanosungirwa nemutemo wenyika kuferefeta mhosva dziri kupomerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe. Onai zvimwe

Mash Central Yobvunza VaMugabe Chavakanyararira Mudzimai Wavo Achituka Amai Mujuru

Vamwe vatsigiri ve Zanu PF mudunhu re Mashonaland Central vanoti havasi kufara nekunyarara kwakaita mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushoropodzwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru naAmai Grace Mugabe. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one
  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook