Accessibility links

Breaking News

America Yozeya Nyaya yeZimbabwe


President Obama
President Obama
Komiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, iri kuzeya nemusi weChina kudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, Congressional Sub-Committee on Africa inoti ichazeya nyaya yekuti sei America iri kutadza kumanikidza hurumende yeZimbabwe kuti ichinje maitiro ayo munyaya yehutongo wejekerere.

Nyaya yezvirango iri kutarisirwawo kukandwa mudariro. Nyaya yeSADC neAfrican Union yekuti Zimbabwe ibvisirwe zvirango ichakandwawo mugango. Komiti iyi inoti ichazeyawo nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe idzo inoti hadzina kuitwa zvakanaka.

Vanenge vari vadare mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana neAfrica, VaShannon Smith, mukuru mubazi reUSAID, VaTodd Amani, uye vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbamwe Human Rights NGO Forum, VaArthur Gwagwa.

America yakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango muna 2001 ichivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Hurumende yemutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama yainge yati yaigona kubvisa zvirango kana paitwa sarudzo dzakachena asi yakatobuda pachena kuti sarudzo idzi hadzina kuchena.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari murongi wemabasa kuchamhembe kweAfrica musangano reCrisis In Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti America inofanira kuramba yakamira semusambangwena panyaya yeZimbabwe kuti zvinhu zvichinje.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG