Accessibility links

Breaking News

Vunganai Omirira Vechidiki muAfrica kuMusangano weKushanduka kweKonze kuParis


Steven Vunganai Global Youth Foundation Of Zimbabwe
Steven Vunganai Global Youth Foundation Of Zimbabwe

Mumwe wevechidiki anobva kuZimbabwe, Stephen Vunganai, uyo anogara muNew York, akasarudzwa kuva sachigaro wavana chipangamazano vechidiki vemu Africa pasi pechirongwa chebanga guru re pasi rose reWorld Bank vachange vari kumusangano wekuzeya kushanduka kwemamiriro ekunze.

Musangano uyu uchaitirwa mu Paris kuFrance mwedzi unouya, uye wakarongwa nemubatanidzwa wenyika dzepasi rose.

Vunganai, uyo anove mutungamiri wesangano re Global Youth Foundation Zimbabwe, anoti ari kufara kuti akasarudzwa neChipiri pamusangano we World Bank Youth Summit On Financing For Climate Change uyo wakaitirwa muWashington.

Vunganai anoti shuwiro yake ndeyekuti hurumende dzemuAfrica dzikoshese zvirongwa zvekupa ruzivo kune veruzhinji pamusoro pemamiriro ekunze.

"Zvakawanda zviri kukonzera kusamira kwekunze kwakanaka pasi rose zvikuru muZimbabwe. Kutemwa kwemiti, kushandiswa kwemarasha akadayi e coal zvinonzi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinokonzera kusamira kwekunze kwakanaka," Vunganai anodaro.

Hurukuro NaVa Steven Vunganai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG