Accessibility links

Breaking News

Vashandi Votsamwiswa neHurumende Yavanoshandira


Zimbabwe Civil Servants Consider Strikes
Zimbabwe Civil Servants Consider Strikes

Musangano pakati pevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende, weNational Joint Negotitating Council, NJNC, waitwa neChishanu muHarare, hauna chawaburitsa sezvo vamiriri vehurumende vanzi vabuda pachena kuti hurumende haikwanise kuzadzisa zvizhinji zviri kudiwa nevashandi.

Ukuwo vashandi vehurumende vanonzi vasunga kuti vadzokere kunhengo dzavo vonzwa zvadzinotaura vasati vasangana zvakare nemusi weChina svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vapinda mumusangano uyu vaine zvichemo zvinosanganisira kuti hurumende ivape masitendi ekuvakira dzimba, vabatsirwe kupinza dzimotokari dzavanenge vatenga kunze kwenyika, pamwe nekuti hurumende itore matanho pakubvisa vanhu vanonzi vashandi vehurumende asi pasina mabasa avari kuita asi ivo vachitambiriswa mari, kana kuti ghost workers.

Uyu wanga uri musangano weChitatu we NJNC gore rino.

Hatina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende panyaya iyi.

Asi munyori mukuru we Progressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti vamiriri vehurumende vabuda pachena pachena kuti hurumende iri kuomerwa panyaya yekugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo.

XS
SM
MD
LG