Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varume Vanoti Kuchecheudzwa Hakuna Zvakunobatsira


Kubva gore rapera varume vemuZimbabwe vanosvika zviuru mazana maviri vakachecheudzwa.

Hurumende yeZimbabwe inoti kusvika mugore ra 2017 inoda kuti vanhurume vanosvika miriyoni imwe chete nemazana matatu vange vachecheudzwa.

Asi izvi zviri kunetsa nekuti vamwe vakaita saVaFelix Magalela Mafa Sibanda vaivawo nhengo yedare reparamende vakaramba nyaya iyi vachiti havaone chayaibatsira zvikuru kumasaimba akaita saiwo.

VaMafa Sibanda vanogunun’unawo kuti vamwe varume vanenge vachecheudzwa vanoguma vorarama hupenyu husina kunaka vachirega kushandisa zvidziviriro zvakaita semakondamu.

Mashoko aVaMafa aya akatsigirwawo neongororo yakaitwa mumakore a2010 kusvika muna 2011 akaitwa nesangano reZimbabwe Health Demographic Survey.

Gwaro iri rinoratidza kuti zvikamu gumi nezvina kubva muzana zvevanhurume vakachecheudzwa vane makore ari pakati pegumi nemashanu nemakore makumi mana nemapfumbamwe, zvakabatwa nehutachiwana hweHIV zvichienzaniswa nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana zvevanhurume vasina kuchecheudzwa vemazera mamwe cheteyo.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Elopy Sibanda, vanoti ongororo iyi inoshamisa zvikuru sezvo danho rekuchecheudza vanhurume rakatorwa paonekwa kuti rinoderedza kupararira kwehutachiwana hweHIV.

Vaivewo nhengo yebhodhi rinoona nezveHiv/AIDS musangano reInter-Parliamentary Union, uye vari nhengo yeparamende vachimirira MDC-T, Muzvare Tabitha Khumalo, vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti dzidziso yekushandiswa kwemakondomu isvitswe kune varume vanenge vachecheudzwa, kuitira kuti vasafunge kuti vakachecheudzwa havachawirwa nedambudziko reHIV/AIDS.

Vaimbova nhengo yedare reparamende, VaBlessing Chebundo, vanotendawo kuti pachiri kuda kurudziro yakasimba kuti vanhu vanzwisise kuti kunyange hazvo vachecheudzwa vanofanira kuzvidzivirira kana voita zvepabonde.
XS
SM
MD
LG