Mugovera, Kukadzi 06, 2016 Local time: 11:00

    Nhau / Africa

    VaKunonga Voremekedza Mutongo weMatare

    x
    Irwin Chifera
    Vakuru vakuru mu Anglican Church muHarare vanoti vatanga kupinda muzvivakwa zvechechi yavo zvichitevera kubuda muzvivakwa izvi kuri kuitwa nevatenderi vari kutsigira VaNolbert Kunonga.

    Vachitaura navatori venhau pamuzinda wavari kushandisa mazuva ano, mukuru weAnglican muHarare, Bishop Chad Gandiya, vati kubuda kuri kuita vanhu ava kunoratidza kuti zvinhu zvava kudzokera pazvakange zviri.

    Bishop Gandiya vatiwo vachaita gungano rekupemberera kudzokera kwavo kunoshandisa zvivakwa zvavo pamwe nekuchenura dzimba dzekunamatira idzo dzange dzave kushandiswa nechikwata chaVaKunonga.

    VaGandiya vati  vakuru muchechi yavo vatotanga kuongorora kuti midziyo yavo ichiripo yese here uye kana paine inenge yakabiwa kana kutengeswa, vachamhan’ara nyaya iyi kumapurisa. 

    Vatiwo vanoziva kuti vanhu vange vari kushandisa zvivakwa zvavo vakasiya zvikwereti, nokudari vanofanira kubhadhara zvikwereti izvi.

    VaGandiya vatiwo vanhu vange vachirendeswa zvivakwa zveAnglican naVaKunonga, vachadzingwa muzvivakwa izvi sezvo vange vari kuita izvi zviri kunze kwemutemo.

    Bishop Gandiya vashorawo kushungurudzwa nekubatwa chibharo kwevana pamuzinda weAnglican unochengeta nherera, weShearly Cripps  uri mudunhu reGoromonzi, vachiti vakatokwidza nyaya iyi kumapurisa.

    Vanotungamira Anglican mumusha weGlen View muHarare, VaShepard Itaimunzira, vatiwo zvinhu hazvina kumira  zvakanaka  pachechi yavo uye pane tsvina isingaiite.

    Bishop Gandiya vati VaKunonga nevamwe vavo vakasununguka kudzoka kuAnglican Church. Asi VaKunonga vakaudza nhepfenyuro yeZBC kuti havasi kuzodzokera kuAnglican Church uye vachaenderera mberi nesvondo yavo ye Independent Anglican Church of the Province of Harare.

    VaKunonga vakanzi nedare repamusoro soro neMuvhuro vabude muzvivakwa zvese zve Anglican izvo vakanga vapamba kubva muna 2007.

    You May Like

    Hurumende Inotara Nzara seDambudziko Rakakurisisa Munyika

    Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa. Onai zvimwe

    Vhidhiyo VOA60 Africa - S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine

    S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine Onai zvimwe

    Mabhanga Maviri muZimbabwe Anobviswa paZvirango Zvakatemerwa neAmerica

    Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Rooftop Yovaka Muzinda weChizvinozvino Munyaya dzeMitambo

    Mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

    • Live Talk
      30 min

      Live Talk

      Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

    • Nhau dzeShona
      30 min

      Nhau dzeShona

      Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

    Facebook