Tuesday, March 31, 2015 Local time: 20:03

Nhau / Africa

Mvura Inotadzisa Mafaro eKisimusi muHarare

HarareHarare
x
Harare
Harare
Irwin Chifera
Mvura yakawanda yanaya zvukuru muHarare muzuva rekisimusi, izvo zvaita kuti vamwe vanhu vange vakaronga  mhemberero dzavo dzekimisimusi vatadze kuenderera mberi nehurongwa hwavo.

Mvura yatanga kunanya munzvimbo dzakawanda mangwanani zvekuti masikati  mvura iyi yange yatekeshera neguta rese zvekuti vange  vakaronga kuenda kunzvimbo dzekutandarira vatadza kuita izvi.

Mumwe wevanhu ava ndaVaEvans Katiyo, avo vange vakaronga kuenda nemhuri yavo kwaMereki mumusha we Warren Park D uko kunoitwa zvekugocha gocha vanhu vachidya nekunwira nwira.

VaRas Zhanje, avo vanogara kuCrowbrough, vanoti zvinhu zvange zvisina kuvamirira zvakanaka uye vange  vari kutsvaga mari yekuti vazotanga kufara manheru eChipiri.

Mumwe mudzimai anogara mumusha weHighfields, Amai Edinah Banda, vanoti mhuri yavo yaenda zvayo kusvondo kundocherechedza zuva rekuzvarwa kwaJesu asi haina mari yekuita mabiko.

Asi mune dzimwewo nzvimbo vanhu vange vari kuenderera mberi nemafaro zvisinei kuti kwange kuchinaya here kana kuti kwete.

Asi ongororo yaitwa neStudio7 yaratidza kuti nzvimbo zhinji dzekutandarira dzange dziine vanhu vashoma sezvo vamwe vanhu vakaenda kuzororo rekisimusi.

Zvichakadai, mukati meguta mange muine runyararo sezvo zvitoro zvizhinji zvange zvakavharwa.  Magetsi amboendawo mukati meguta uye atozodzoka masikati. Kune mimwe misha, vanhu vatamba kisimusi vasina mvura.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Dynamos Yotungamira muPremier Soccer League

Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer, che Dynamos, chave pamusoro soro pamakundano aya zvichitevera kukunda kwachakaita mukupera kwesvondo. Onai zvimwe

Meya Mutoti Voshupika neKutengeswa kweMasitendi muChitungwiza Zviri Kunze kweMutemo

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, vati kanzuru yavo haisi kufara nekupambwa kuri kuitwa masitendi munzvimbo yeNyatsime zvine chekuita nezvematongerwo enyika vanhu vopedzisira vavaka dzimba zvisina mvumo yekanzuru yavo. Onai zvimwe

Gomarara reMuhura Hukuru Ronetsa muZimbabwe

Imwe nyanzvi yechirwere chegomarara inokurudzira veruzhinji vabvezera kuti vaenda kunovhenekwa kuitira kuti vawane rubatsiro pachiri nenguva. Onai zvimwe
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

Facebook