Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa naGavhuna weRBZ Vopinda muMusangano wezveHupfumi kuPeru


Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa

Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika reRBZ, Doctor John Mangudya vari muguta reLima kuPeru kumusangano uri kukokerwa nesangano reMacroeconomic Financial Management Institute of Eastern and Southern Africa uyo unoitwa pagore roga-roga.

Sangano reMEFMI rino shanda nenyanzvi dzehupfumi dzemuAfrica dzinosvika gumi neina dzinosanganisira dzinobva kuZimbabwe mukuyedza kutsvaga nzira dzekuvandudza nadzo upfumi hwenyika idzi.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rinonzi “Leveraging On Natural Resources For Economic Transformation”.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reMEFMI Muzvare Gladys Siwela vanoti gore rega-rega nyanzvi dzezvehupfumi dzemunyika dziri mugungano ravo dzinosangana kunzvimbo dzakasiyana kuti dzizeye nzira dzekuyedza kupundutsa hupfumi wenhengo dzavo.

"Gore rino tiri kutarisa nyaya yezvicherwa nezviwo zvakadaro, zvatinoti ma natural resources, zviwanikwa zvemunyika," vanodaro Muzvare Siwela.

Dzimwe nyika dziri mugungano iri dzinosanganisira Angola, Botswana, Burundi, Kenya, Lesotho, Malawi, Mozambique, Namibia, Rwanda, Swaziland, Tanzania, Uganda, Zambia.

Hurukuro NaMuzvare Gladys Siwela VeMEFMI
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG