Accessibility links

Breaking News

Mbatya Tsaru Dzorambidzwa Kupinda Munyika


Chinamasa Budget
Chinamasa Budget

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamassa, vaparura hurongwa hwavo hwekuongorora mashandiro ari kuita hupfumi kana kuti mid term fiscal policy review.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mukuparura chirongwa ichi, VaChinamasa vanoti vatora matanho akawanda akanangana nekusimudzira maindasitiri nekuwezdera mari yehurumende.

Vchitura muparamende hurongwa hwepakati pegore hwemafambisirwo emari, VaChimanasa vati kunyange hazvo paine mitero yakakura pashangu nembatya tsaru, zvinhu zvange zviri kuramba zvichipinzwa munyika uye zvava kukanganisa maindasitiri emuno.

Vati kutanga mwedzi unouya, zvinhu izvi zvinenge zvisisabvumidzwe kupinda munyika, uye zvikabatwa zvichatorwa nekuparadzwa. Vatiwo zvinhu zvakaita semafuta nesipo hazvichabvumidzwe kupinda munyika, sezvo nyika iri kuzvigadzira.

Vati mbatya zhinji idzi dzinounza zvirwere munyika.

VaChinamasa vawedzera mitero yemotokari tsaru dzinotengwa kunze kwenyika kana kuti surtax charge kubva pazvikamu makumi maviri kubva muzana kusvika pazvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana.

Mari iyi inobhadharwa pamusoro peimwe yeduty inove zvikamu makumi mana kubva muzana

VaChinamasa vatiwo hurumende iri ichasandura mutemo kuti machechi anoita mabasa ekutsvaga mari kana kuti profit abhadhare mutero kana kuti tax. Asi vati mari yechegumi nezvipo haisi kuzobhadhariswa mutero.

VaChinamasa vatiwo hurumende iri kushishakana nenyaya yekuti mari zhinji yairi kuwana iri kuenda mukubhadhara vashandi nekudaro dare remakurukota rakatora danho rekuti mari inoenda kuvashandi inofanira kuderedzwa kubva pazvikamu makumi masere nezvitatu kubva muzana kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

Vanoti izvi zvinoita kuti kurumende iwane mari yekushandisa mumabasa ebudiriro.

Vaenderera mberi vachiti mutongo wakapihwa nedare repamusoro reSupreme Court unopa vashandirwi samba rekudzinga vashandi mushure mekuvapa chiziviso chemwedzi mutatu chete wakauya panguva iyo hurumende yange iri kuronga kuvandudza mitemo yevashandi kuti inakire vashandi nevashandirwi.

Vati kuvandudzwa kwemutemo wevashandi kunofanira kuitwa pachitarisirwa kuti unofanira kupa mukana wekuti makambani akawanise kushanda zvakanaka vachiti pari zvino makambani akawanda ane zvikwereti zvemari yevashandi izvo zvinoatadzisa kuita basa nemazvo.

Vapa semuenzaniso kambani yeZiscosteel iyo vati kunyange yakavhara makore akati kuti apfuura, mari dzevashandi dziri kuramba dzichiwedzera.

Vatiwo hupfumi hwenyika hausi kuita zvakanaka uye izvi zviri kukonzerwa nekuti mabasa ekurima haasi kufamba zvakanaka uyewo maindasitiri haasikuita zvakanaka sezvo zvichidhura kuita bhizimisi munyika nekuda kwekudhura kwemari, nekudhura kwezvinhu zvakaita semagetsi nemvura.

VaChinamasa vatiwo nekuda kwekusashanda zvakanaka kwehupfumi, hurumende yave kutarisira kuwana $3.6 billion gore rino kubva pane $3.9 billion yavange vachitarisira. VaChinamasa vati hurumende pamwe nevanhu vanofanira kuchinja maitiro avo kuitira kuti hupfumi hwenyika hubudirire.

Mukuru wesangano rinomirira vemabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavison Norupiri, vanoti matanho atorwa naVaChinamasa ekuchengetedza maindasitiri emuno akanaka chose uye vanoatsgira.

Vatiwo zvakakosha kuti hurumende ideredze mari inoenda kuvashandi vachiti izvi zvinoipa mukana wekuita zvirongwa zvebudiriro.

Mukuru weConferderation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vatiwo vanotsigirawo matanho atorwa naVaChinamasa.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanga vari muparamende vachinzwa VaChinamasa vachitaura

XS
SM
MD
LG