Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotaura Pamusoro peMabhonasi VaMugabe Vari paMutambara Kede


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Hurumende nevashandi vayo zviri kukandirana makobvu nematete panyaya yemari dzemabhonasi dzaifanirwa kunge dzakabhadharwa nehurumende muna Mbudzi.

Vakawanda munyika vari kupawo pfungwa dzakasiyana panyaya yemabhonasi iyi.

Vamwe vanoti bhonasi ikodzero yemushandi asi vamwe vachiti vanhu vanopihwa bhonasi zvichienderana nehomwe yemushandirwi uye sandi kodzero.

Muna Kubvumbi gore rapera, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakati vainge vambomisa kupa vashandi mari dzemabhonasi kwemakore maviri kusvika muna 2017 sezvo homwe yehurumende yainge isisina kana kobiri zvaro.

VaChinamasa vakatiwo hurumende yainge isina kukwanisa kubhdhara mabhonasi emuna 2014.

Asi VaChinamasa vakazodududza mushure mekunge mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashora danho iri vachiti VaChinamasa vainge vaita fungira mumoyo rwendo rwembwa sezvo vainge vasina kusuma dare remakurukota kana ivo VaMugabe nezvedanho iri.

Mabhonasi aifanira kubhdharwa muna Mbudzi gore rapera asi kusvika ikozvino hapana chati chabuda sezvo hurumende isiri kana kuzvipira kuti ingabhadhare riini.

Izvi zvapa kuti mutungamiri wesangano rinomirira madhokotera reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaFortune Nyamande, vati vachakanda mapadza pasi mukupera kwemwedzi kana vasina kupihwa mabhonasi avo.

Vachinyora pandemutande re twitter uye muhurukuro nebepanhau reNewsday, gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro soro, VaJonathan Moyo, vakati vamwe vashandi vehurumende havakodzeri kupihwa mari dzemabhonasi sezvo vasiri kuita basa nemazvo vamwe vachigara vakadhakwa.

Izvi zvakashorwa zvikuru nemasangano evashandi.

Gweta uye vari nyanzvi munyaya dzezvevashandi, VaRoger Matsikidze, vanoti hazvigone kungoti vashandi vasapihwe mari vachitiwo pane mhando mbiri dzemabhonasi dzinonyanya kushandiswa munyika.

VaMatsikidze vanoti hurumende inosungirwa kubhadhara vashandi vayo sezvo yagara iine chibvumirano navo chekuti vanofanirwa kutambiriswa mabhonasi mukupera kwegore.

Mashoko aya atsinhirwawo namuzvinafundo munyaya dzemitemo, VaLovomre Madhuku, vanotungamirawo sangano reNational Constitutional Assembly.

VaMadhuku vatiwo aka hakasi kekutanga hurumende kunetsana nevashandi munyika nenhau dzemabhonasi vachiti vakatombosvitsana kumatare edzimhosva muna 1995.

VaMadhuku vanoti kunyange vashandi vasina kubudirira mudare repamusoro soro, rwendo rwuno vanobudirira vakasabhadharwa nekuti hurumende haina kuvaudza nguva ichiripo kuti haina mari.

Asi vanotungamira sangano reEmployers Conferederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti panyaya yehurumende nevashandi vayo ivo havanei nemuchato wedhongi nebere asi vanoti mushandirwi aomerwawo nezvinhu.

Asi VaMufukari vati zvinenge zvakanaka kuti mushandi nemushandirwi vagare pasi vokurukura nyaya yebhonasi pachine nguva kana zvichinetsa kuibhadhara.

VaMatsikidze vanoti mushandi akangoyerekana ati hakuna bhonasi zvinogona kuti vashandi vasaite basa nemoyo wese.

Asi VaMadhuku vati rwendo rwuno vashandi vehuruemnde vakada kuenda kumatare vane mukana wakakura wekubudirira.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti chikuru panyaya yemabhonasi kuisa musoro pakati pevashandi nevashandirwi kuti paonekwe kuti chii chinenge chichipa kuti mari yebhonasi isabhadharwe.

Kutadza kugara pasi zvinozoguma zvopa kuti vanhu vaende kumatare zvinova zvinhu zvisina kunaka sezvo zvichipa kuti paite ropa rakaipa pabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo chiri kupa kuti hurumende itadze kubhdhara mari dzebhonasi kutadza kubata bhajeti rayo zvakanaka zvopa kuti zvinetse kuti ipe chikonzero chaicho chinogutsa mushandi.

Semuenzaniso, nyanzvi idzi dzinoti hurumende yakatenga zvikakarara pamwe nemizvambarara yedzimotokari dzichashandiswa nemakurukota ayo panguva iyo hurumende iri kutatarika kubhadhara vashandi vayo.

Vamwewo vanoti mamiriyoni nemamiriyoni emadhora ari kushandiswa murwendo rwaVaMugabe kuzororo kwavari imari yakawandisa zvikuru inogona kubhadhara mabhonasi evashandi vehurumende.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG