Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoti Hurumende Ndiyo Iri Mberi Mukutyora Kodzero


Sangano rinomirira magweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti riri kushushikana zvikuru kuti pachinhanho chekuremekedza kodzero dzevanhu hurumende ndiyo iri pamberi mukutyora kodzero dzevanhu kudarika ani nani zvake munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano iri, VaDzimbabgwe Chimbgwa, vati gore rino rakatanga zvakaipa chose hurumende ichitsimbirira kodzero dzevanhu apo mapurisa akazvindikita nekutandanisa vanhu papurazi reAnold, kana kuti Manzou kuMazowe, uye izvi zvichiitikawo nekuChisumbanje.

Vachitaura nevatori venhau muHarare pamusoro pezviri kuitika munyika mumasvondo maviri ekutanga egore rino, VaChimbgwa vati chinorwadza ndechekuti zvese izvi zvakaitika zvisinei nekuti paive nemagwaro ekumatare edzimhosva airambidza mapurisa kudzinga kana kuputsa dzimba dzevanhu kuMazowe nekuChisumbanje.

VaChimbgwa vakurudzira hurumende kuti isayane nekutyora kodzero dzevanhu asi kuti itevedze bumbiro remitemo yenyika iro rinosungira kuti vanhu vasati vabviswa pavanogara vanofanirwa kupihwa kumwe kwekuenda.

Vati vanofunga kuti kusavandudzwa kwemitemo kuti ienderrane nebumbiro idzva ndiko kumwe kuri kukonzera kuti hurumende irambe ichityora kodzero dzevanhu.

VaChimbgwa vati zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti gurukota rinoona nezvemutemo, zvakare varivo vakasanobata chinzvimbo chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatadza kuti nyika itevedze bumbiro uye zvinoita kuti sangano ravo risagutsikane kuti vanokwanisa kutungamira nyika.

Rimwe gweta rakambozvambaradzwa nemapurisa gore rapera apo raimirira,VaItai Dzamara, avo vairatidzira pamusoro pehutongo wemutungamiriri wenyika, VaKennedy Masiye,vati zviri kuitika munyika zvinoratidza pachena kuti hurumende haina hany’a nekodzero dzevanhu.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaGabriel Chaibva, vati havawoni chakashata pane zviri kuitwa nehurumende vachiti mashoko emagweta aya akanangana nekusvibisa hurumende.

Asi tavabvunza kuti sei hurumende yakamira kudzinga vanhu ava kana dai vaigara kupurazi rekuMazowe zvisiri pamutemo, VaChaibva vati hurumende iri kuda kuwana gwaro rekubvisa vanhu ava kubva kumatare edzimhosva sezvinodiwa nembumbiro remutemo.

Mhuri dzinodarika zana nemakumi mashanu dzakarohwa zvakaipisisa dzikatandaniswa papurazi reAnold kana kuti Manzou kuMazowe uye zvinonzi mukadzi wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakanyorera kuhurumende kuti vapihwe purazi iri kuitira kuti vagochengetera mhuka mupurazi iri.

Ukuwo kuChisumbanje mhuri dzine chitsama dzakarohwa zvakaipisisa nemapurisa mukutanga kwegore rino dzichipomerwa mhosva yekurima panzvimbo inonzi ndeye kambani yemafutayeGreen Fuels.

Hurumende ine chikamu mukambani iyi.

XS
SM
MD
LG