Chipiri, Kukadzi 09, 2016 Local time: 01:03

    Nhau / Kodzero-dzevanhu

    Allan Chimbetu Okomekedzwa neDare Kubvisa Mari yeMendenenzi

    Allan ChimbetuAllan Chimbetu
    x
    Allan Chimbetu
    Allan Chimbetu
    Loridham Moyo
    Muimbi ane mukurumbira munyika, Allan Chimbetu, amiswa neChina pamberi pematare edzimhosva kwaMutare achipomerwa mhosva yekutadza kubhadhara mari yemendenenzi yemwana wake waakaita nemumwe mudzimai wekwaMutare kwenguva ingangosvika gore kubva muna zvita wegore rapera.

    Vachipa mutongo wavo kuna Chimbetu, mutongi wedare, Va Gwatidzo, vasendeka mwedzi mitatu kwemakore mashanu vakayambira muimbi uyu kuti asapare mhosva yakafanana neyaabatwa nayo panguva iyi. VaGwatidzo vatiwo mutongo uyu vaurerutsa sezvo Chimbetu asina kupedza nguva yedare achiramba mhosva uye kuti anga abvisa mari yemendenenzi iyi yanga yasvika madhora mazana matanhatu nemapfumbamwe.

    Muchuchisi wehurumende, VaWalter Saunyama, vati Chimbetu anofanirwa kubvisa madhora makumi manomwe mwedzi wega-wega kuna Amai vemwana wake, Muzvare Tsitsi Rambanapasi, asi ange asiri kuita izvi kubva gore rapera muna Zvita kusvikira azosungwa.

    Chimbetu, uyo ange akapfeka mudhebhe weruvara rwemashizha, shangu nhema uye bhatye nehembe nhema, anga achitaurira pasi achiti ange asiri kunzwa zvakanaka.

    Audza dare kuti kukundikana kwake kubhadhara mari kuri kukonzerwa nekuti ari kurwara nekudaro haasi kukwanisa kushanda sezvaaita kare. Asi dare raramba izvi rikati anosungirwa kuchengeta mwana wake zvisinei neurwere.

    Chimbetu asetsa dare iro range rizere nevanhu apo apa chikumbiro chekuti anoda kubvumirwa kuti mwana waari kubvisira mendenenzi, aongororwe navana chiremba kuti paonekwe kana mwana uyu ari wake zvechokwadi.

    Chimbetu atiwo izvi zviri kutsigirwawo nemudzimai wake uyo anoti anogona kubvisa mari yemendenenzi kana ongororo iyi yabva kwachiremba ikaburitsa humbowo hwekuti mwana uyu ndewake.

    Dare rati izvi zvange zvisinei naro uye zviri kwaari Chimbetu kuita zvaanoda kana achida kuti chokwadi chiburitswe.

    Muzvare Rambanapasi vapawo chikumbiro kudare chekuti vatori venhau vasabvumidzwa kunyora nezvenyaya yake naChimbetu sezvo zviri kukanganisa muchato wake mutsva nemumwe murume.

    Asi Chikumbiro ichi charaswa nemutongi uyo ati zvaive kuvaviri ava Chimbetu naiye kuti vabvumirane nekubvisa mari panguva yakatarwa nedare vorega kuendesana kumatare.

    VaGwatidzo vati vatori venhau vari kuitawo basa ravo saka hapana anofanirwa kuvamisa mukuita izvi.

    Aka hakazi kekutanga Chimbetu achimiswa pamberi pematare edzimhosva nenyaya yekusabvisa mari yemendenenzi.

    Mazuva mashoma apfuura, Chimbetu akamiswa zvakare mudare kukadoma mushure mekunge atadza kubvisa mendenenzi kuna Mildred Mapuranga. Vaviri ava vane mwana ane makore gumi nerimwe.

    You May Like

    Mhuri yaVaItai Dzamara Yoronga Kusangana naVaMnangagwa

    VaDzamara, avo vakapambwa nevarume vanofungidzirwa kuti vasori musi wa9 Kurume gore rapera, vari kusvitsa mwedzi gumi nemumwechete musi weChipiri pasina ruzivo rwekwavari. Onai zvimwe

    Kusagadzikana kweZvinhu muMDC yaVaNcube-VaMzila Ndlovu Vanobviswa paChigaro

    MDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube yakasangana mukupera kwesvondo yakasunga kuti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaMoses Mzila Ndlovu vabve pachigaro ichi Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Dare Rotarisirwa Kuzeya Nyaya Yekuti VaMugabe Havachakwanise Kutonga Muna Kubvumbi

    Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti zviri kuitwa naVaChinyoka kupedzera hoko padehwe retsindi. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.

    Facebook