Accessibility links

Breaking News

Amai Chikasha Voshora Hurumende Zvichitevera Mhirizhonga muSouth Africa


Amai Marcellina Chikasha
Amai Marcellina Chikasha

Mutungamiriri webato rinopikisa reAfrican Democractic Party, Amai Merceline Chikasha, vanoti kunyange hazvo vachishora hurumende yeSouth African nekushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mukati menyika iyi, vanoshorawo hurumende yeZimbabwe nekutadza kupa vanhu mabasa kuitira kuti vanhu vasaende kunze kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, Amai Chikasha vati vana veZimbabwe vari kutenderera nenyika dzepasi rese vachitambudzwa nekupondwa sezviri kuitika kuSouth African nekuti hurumende iri kutadza kugadzirisa zvinhu munyika.

Vati hurumende inofanira kuita chirongwa chekumutsiridza maindasitiri nekusimudzira hupfumi hwenyika kuitira kuti vanhu vawane mabasa varegedze kuenda kunze kwenyika uko vazhinji vavo vari kugara vachishungurudzwa.

Vanhu vemuZimbabwe vari pakati pezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kupondwa nekushungurudzwa kuSouth Africa mukurwisana kwakatanga masvondo maviri apfuura.

Zvichakadai, mazana nemazana evanhu vakatiza misha yavo kuSouth Africa vanotarisirwa kusvika muZimbabwe nhasi mushure mekubatsirwa nezvifambiso nehurumende.

Vamwe vavo vanotarisirwa kusvika panopera svondo rino. Hatina kukwanisa kutaura nemukuru weCivil Protection Unit, VaMadzudzo Pawadyira, kuti tinzwe zvizhinji pamusuro penyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

VeCivil Protection Unit ndivo vachatambira pamwe nekubatsira vanhu ava pavanosvika munyika.

Vachitaura pazuva rekucherechedza kuzvitonga kwenyika kuNational Sports Stadium, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashoropodza zvikuru kurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa.

VaMugabe vakashorawo mashoko amambo Goodwill Zwelithini, avo vanonzi ndivo vakataura mashoko ekukurudzira kurwiswa kwevekunze.

Asi mambo Zwelithini vakazobuda vachiramba kuti vakataura mashoko akadayi, vachiti vemapepanhau vayiisa mashoko mumukanwa mavo.

VaMugabe vakatendawo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nemashoko avo ekushoropodza mhirizhonga iyi, iyo yakatangira muDurban.

Vanhu vashanu vekunze kweSouth Africa vanonzi vafa kusvika pari zvino mumhirizhonga yemarudzi iyi.

Mune imwewo nyaya, meya veguta reHarare, VaBen Manyenyeni, vanoti kanzuru yavo yakazvipira kupa pekugara kuvanhu vese vari kugara munzvimbo dzisingaite muguta.

Vataura mashoko aya apo vange vari kutambira chikwata chabva kusangano reBill and Melinda Gates Foundation icho chiri munyika kuzovhura dzimba dzakavakwa nemamiriyoni mashanu emadhora akabva kusangano iri mumusha weDzivaresekwa.

Pari zvino mune nzvimbo makumi manonwe dzinogara vanhu zviri kunzwe kwemutemo uye VaManyenyeni vati vachakumbira rubatsiro rwemari kubva kumasangano akaita seBill and Melinda Gates Foundation nemamwe kuti vavakire vanhu dzimba.

Dzimba dzakavakwa nemari yakabva kuBill and Melinda Gates Foundation dzakazovakwa kuDzivaresekwa mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzaramba kuti chirongwa ichi chiitwe mumusha weMbare.

VaManyenyeni vati nekuda kwaizvozvo musha weMbare ucharamba uchisiiwa muzvirongwa zvakaita seizvi nezvimwe kudzamara vanhu veko vachinja maitiro uye vadzidza kutambira zvirongwa zvekanzuru nemasangano ainoshanda nawo.

XS
SM
MD
LG