Accessibility links

Breaking News

VaChihuri Voparura Mashandiro Anotarisirwa Kuti Mapurisa Aite


Zimbabwe's Police Commissioner General Augustine Chihuri.
Zimbabwe's Police Commissioner General Augustine Chihuri.

Zimbabwe Republic Police, ZRP, yaparura zvekare hurongwa hwemashandiro ainofanira kunge ichiita neveruzhinji kana kuti Client Service Charter.

Vachitaura pahurongwa uhu muHarare, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vati veruzhinji vane kodzero yekumhan’ara kana vasingagutsikane kana kufara nemashandiro anenge achiita mapurisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaChihuri vati Client Service Charter inopa veruzhinji mukana wekushanda nemapurisa mukuchengetedza runyararo uye vazivisawo kuZRP ichapurura dandemutande kana kuti Website izvo zvichavandudza kudyidzana kwayo neveruzhinji.

VaChihuri vatiwo mapurisa anotadza basa dzimwe nguva asi harisi basa rawo kuuya kana kuponda vanhu.

Client Service Charter inoti mapurisa anofanira kuita basa rawo nemazvo pamwe nekupawo mukana kune veruzhinji wekukwidza zvichemo zvavo kumapurisa.

Semuenzaniso, pasi Service Charter iyi, foni yemukamba yemapurisa inofanira kudairwa mukati memasekonzi gumi chete uye mapurisa anofanira kusvika panzvimbo yaparwa mhosva mukati memaminitsi gumi mumadhorobha, kana kuti maawa maviri mumaruwa.

Asi veruzhinji vanoti izvi handizvo zviri kuitika uye mapurisa ari kutadza basa zvakanyaya pamwe nekuita mabasa ehuwori.

Nhengo yePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti mapurisa ari kutadza basa uye dzimwe nguva anotoshandiswa nevane mari kushungurudza veruzhinji.

Mumwe weveruzhinji muHarare, VaDavid Kapfunde, vatiwo zvakanaka chose kuti mapurisa ashuvire kushanda zvakanaka vakati chinosuwisa ndechekuti Service Charter iyi yavepo kwemakore asi hapana zvasanduka pakushanda kwemapurisa.

Mumwe wechidiki ataura neStudio 7, Nicholas Frame, ati Service Charter ichashanda chete kana mapurisa akasiyana nezvematongerwo enyika uye akatanga kutevedza mutemo webasa ravo.

ZRP yakaparura Client Service Charter muna 1995 asi hapana zvakanyanyosanduka pamashandire emapurisa sezvo veruzhinji munyika vachigunun’una kuti mapurisa anoshungurdza veruzhinji pamwe nekushanda ane divi raakarerekera.

Asi VaChihuri vati ZRP icharmba ichipinza mapurisa basa kuitira kuti ikwanise kuzadzikisa donzvo rayo rekuti ZRP ive nemapurisa emhando yepamusoro mugore ra2020.

XS
SM
MD
LG