Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voongororwa Zvirwere zveShuga neHBP Pachena


Mazana nemazana evanhu muHarare vari kuenda kuna First Street muHarare uko vari kundoongororwa shuga neHigh Blood Pressure, BP, pachena nevadzidzi vepazvikoro zveUniversity of Zimbabwe neHarare Institute of Technology.

Vachitaura neStudio7 apo vange vachiongorora vanhu muHarare neChitatu, vadzidzi ava vachishanda pasi pesangano reZimbabwe Pharmaceatical Students Association, vati vatora danho iri mushure mekuona kuti zvinhu zvakaita seBP neshuga ndizvo zviri kuuraya vanhu chinyararire uye vanoda kuti vanhu vazive zvavari kuitira kuti vakawanise kuzvidzivirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nhengo yesangano revadzidzi ava, Muzvare Miriro Ndaba, vaudza Studio 7 kuti vaona zvakakosha kuti vashandise svondo rino kuparadzira ruzivo kune veruzhinji kuti vakwanise kurarama hupenyu hwakanaka.

Vadzidzi ava vakatanga kuongorora vanhu kutanga neChitatu masikati uye vachaita kusvika neChishanu. Vati vari kufara kuti vanhu vakawanda vari kuuya kuzongororwa.

Muzvare Ndaba vati zviri pachena kuti vanhu vari kuda kuziva zvavari maererano nezvirwere izvi uye vari kutadza kuenda kumakirika nezvipatara sezvo kuri kubhadhariswa mari.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuongororwa shuga neBP, mumwe ati anonzi Muzvare Enia vati vafara kuti vaonekwa zvinhu zvavo zvese zvakanaka.

Mushure mekuongororwa vanhu vange vari kuzotsanangurirwa kuti vangadyei kana kuitei kuti vagare nehutano hwakanaka uye avo vange vachiwanikwa vane zvirwere izvi vange vachinzi vaende kunana chiremba kana zvipatara zviri pedyo navo.

Mutauriri wesangano iri, Muzvare Anesu Dhliwayo, vati vachaita zvirongwa zvakaita seizvi kune mamwe madhorobha nedzimwe nzvimbo munyika.

Ongororo dziri kuitwa nevadzidzi ava dziri kutsigirwa nezvikoro zvavo pamwe nezvitoro zvinotengesa mishonga, yakasiyana siyana munyika.

Zvirwere zveshuga, BP, negomarara zvinonzi zviri kuuraya vanhu vakawanda munyika uye svondo rapfuura masangano akazvimiriria munyaya dzehutanbo akaudza paramende kuti hurumende inofanirawo kukoshesa kurapwa kwezvirwere izvi sezvainoita HIV/AIDS.

XS
SM
MD
LG