Accessibility links

Breaking News

VaGorden Moyo Vokonzeresa Mutauro muBulawayo


VaGorden Moyo
VaGorden Moyo

Vatsigiri veZanu PF vakatadzisa musangano wakarongwa neBulawayo Agenda kuenderera mberi neChina manheru mushure mekunge vatanga kuimba vachivhiringidza musangano uyu.

Musangano uyu, uyo wakaitwa nesangano reBulawayo Agenda, waive wekuti vamiriri vemapoka akasiyana akasiyana ezvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji vazeye nezvematambudziko akatarisana nenyika uye kuti vaone kuti chii chingaitwe kuti nyika ibude mumatambudziko ayiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika weMDC-Renewal, VaGorden Moyo, vakashora mapato ezvematongerwo enyika anopikisa - vachiti ivo pachezvavo nevamwe vatungamiriri vane mhosva pamusoro penyaya yekutadza kubatana kuti vakwanise kubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe pamwe nebato reZanu PF pachigaro.

Mhirizhonga yakatanga mushure mekunge veruzhinji vaive pamusangano uyu vapiwa mukana wekutaura maonero avo uye kubvunzawo mibvunzo apo mumwe murume, VaRichard Mahomva, vakashora vemapato anopikisa vachiti vanotevedzera zvinodiwa nevarungu vanovapa mari.

Mukupindura kwavo maonero aVaMahomva, VaMoyo vakatsamisa vatsigiri veZanu PF vaive pamusangano uyu apo vakaramba kuti bato reZanu PF rinotonge nenzira yetsika dzinosimudzira hunhu hwevanhu kana kuti pan-Africanism.

VaMoyo vakati pane humbowo hunobva pamagwaro akaburitsa nehurumende yeSouth Africa anonzi muChirungu declassified documents ekuti bato reZanu PF raishanda nehurumende yeSouth Africa mukuuraya vamwe vanhu verudzi rwechiNdebele vemuno apo nyika yaive ichangowana kuzvitonga .

Mashoko aVa Moyo aya akamutsa mhirizhonga kubva kuvatsigiri veZanu PF vamwe vavo vachibva vatanga kuimba nziyo dzaishora mapoka eMDC.

Mumwe wevatsigiri ava uyo atisina kukwanisa kuwana zita rake akati akatsamwisa nenyaya yaVaMoyo yekuda kukonzera ruvengo pakati pemaShona nemaNdebele.

Mushure mekunge vatsigiri veZanu PF ava varamba vachiita mhirizhonga, mukuru weBulawayo Agenda, VaMmeli Dube, vakazotaura kuti musangano uyu waive usingachakwanise kuenderera mamberi.

VaDube vaka taurira Studio 7 kuti sangano ravo raive rakoka vamiriri veZanu PF asi havana kuuya.

Vamiriri vemapato aive pamusangano vanosanganisira munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaWeshman Ncube, VaMoses Mzila-Ndlovu, munyori wezvemigodhi nezvicherwa muMDC-T, Va Joel Gabuza, pamwe nemubati wehomwe mubato reZAPU, VaJacob Dube.

Vose ava vakatenderana kuti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekutadza kutungamira nyika kwebato reZanu PF.

XS
SM
MD
LG