Accessibility links

Breaking News

2015 ZIBF Inonzi Yabudirira Zvisineyi Kuti Zvinhu Zvakaoma Munyika


Vanhu vakawanda kusanganisira vane vechikoro vapinda muzviratidzwa zveZimbabwe International Book Fair, ZIBF, izvo zviri kunzi zvabudirira zvikuru zvisinei nekuti zvinhu hazvinha kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru weZimbabwe International Book Fair, VaObey Bvute, vaudza Studio7 kuti zviratidzwa izvi zvinopa mukana kuvanhu nemakambani kuti vaite mabhizimisi nekudyidzana munyaya dzemabhuku.

Mumwe mupepeti wemabhuku eShona kukambani inodhinda mabhuku yeMambo Press, VaGift Muduvuri, vati kunyange hazvo zvinhu zvakaoma vanhu vari kuratidza chido chekuverennga mabhuku.

Vanoti vafara chose kuti vana vehchikoro vakawanda vauya kuzviratidzwa zveZimbabwe International Book Fair.

Mumwe mugari wemuHarare, VaLeonard Makombe, avo vange vachipinda muzviratidzwa izvi kubva muna 1999, vanoti zvinhu munyaya dzemabhuku nekuverenga zviri kuramba zvichidzikira kana zvikaenzaniswa nemakore apfuura.

Vamiriri vemakambani anotengesa mabhuku akawanda ari kuratidzira pazviratidzwa zveZimbabwe International Book Fair vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo mabhuku ange ari kutengengwa bhizimisi rakaderera gore rino kana zvikaenzaniswa nemakore apfuura.

Zviratidzwa zveZimbabwe International Book Fair izvo zvakatanga nemusi weMuvhuro zvichapera neMugovera.

Musangano wevanyori vemabhuku wekuzeya nyaya dzakasiyana siyana uri kuitwawo neMugovera.

XS
SM
MD
LG