Chishanu, Kukadzi 12, 2016 Local time: 03:16

    Nhau / Matongerwo eNyika

    Zimbabwe Yoendeswa kuMatare Mushure Mekutyora Zvibvumirano neDzimwe Nyika

    x
    Blessing Zulu
    Mumwe murimi uye ari muzvinabhizimisi wekuGermany, VaHeinrich Von Pezold,  vaive muridzi weBorder Timbers nemimwe minda yekofi kuManicaland nevamwe vavo, vakaendesa hurumende kudare reInternational Centre for Settlement of Investment Disputes kuParis, vachida kuripwa kutorerwa kwavakaitwa minda yavo. Dare iri riri pasi peWorld Bank.

    Minda yakatorwa iyi inodzivirirwa nechibvumirano chakanyoreranwa pakati peZimbabwe neGermany, uye nedzimwe nyika, cheBilateral Investment Promotion and Protection Agreement, BIPPA,

    VaVon Pozold vanoti vari kuda mari inosvika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora. Iyi iyave nyaya yechipiri Zimbabwe ichiendeswa kudare iri. 

    Muna 2009 hurumende yakaendeswa kudare iri nevarimi makumi mana vekuNetherlands vakanzi nedare vapihwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora iyo iri kuramba ichibereka kana isina kubhadharwa.

    Muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, avo vachamirira hurumende munyaya iyi, vanoti nyika dzakaita seGermany ndodzakatanga kutyora chibvumirana nekutemera nyika zvirango.

    Nyaya yekusaremekedza mitemo, pamwe nekutyora kodzero dzevanhu, ndiyo yakapa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu PF, vatemerwe zvirango zvehupfumi pamwe nezvekufamba nenyika dzekumadokero.

    Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti Zimbabwe ikatyora zvibvumirano inozotadza kukwezva vekunze vanotanga mabhizimisi.

    Kunetsana murumende yemubatanidzwa padanho rekutora pamapurazi akatorwa ari pasi pezvibvumirano zvekudyidzana pakati peZimbabwe nedzimwe nyika kuri kuenderera mberi kunyange hazvo gurukota rezveminda, VaHerbert Murerwa, vakati hurumende yamira kutora mapurazi akadai.

    Hurukuro naVaJohannes Tomana
    Hurukuro naVaJohannes Tomanai
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    Mukuru naVaProsper Chitambara
    Mukuru naVaProsper Chitambarai
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    You May Like

    Vanamuzvinabhizimisi vemuNyika Voenda kuNetherlands Kunokurudzira Kutengeserana

    Vanamuzvinabhizinesi vechidzimai makumi maviri vemuZimbabwe varikutarisirwa kusimuka munyika nemugovera vakananga ku netherlands uko vachaita misangano yekutsvaga kudyidzana nemakambani ari munyika iyi. Onai zvimwe

    Vanhu Vakawanda Voenda kuMisangano yaVaTsvangirai kuMasvingo

    VaTamborinyoka vanoti bato ravo ririkushora zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nekuda kuita mabiko ebhavhudhe ravo munhu iri vanhu vakatarisana nenzara. Onai zvimwe

    Vhidhiyo VOA60 Africa - Nigeria: Two Boko Haram female suicide bombers kill more than 60

    Nigeria: Two Boko Haram female suicide bombers kill more than 60 Onai zvimwe

    Mutongo weDare rekuSouth Africa Wekuti Vanosungwa Vasina Mapepa Vaende Kumatare neKukurumidza Wofadza Zvizvarwa zveZimbabwe.

    Dare repamusoro reGauteng North muSouth Africa rakatonga kuti vanhu vose vanosungwa nenyaya dzine chekuita nekupinda pamwe nekugara munyika iyi vanofanirwa kumiswa pamberi pematare mukati memazuva maviri, kukundikana kwazvo vanofanirwa kuburitswa muhusungwa. Onai zvimwe
    Live Talk

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.

    Facebook