Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekudzivirira Bilharzia Choenderere Mberi


Zvirongwa zvekupa vana vadiki mishonga yekudzivirira chirwere che bilhazia nezvemudumbu munyika zvakatangwa negurukota rezvehutano zvinonzi zviri kufamba zvakanaka pari zvino.

Mumwe chiremba ane mukurumbira munyika, Dr Douglas Gwatidzo, vari kukurudzira vabereki kuti vasati vaendesa vana vavo kunopihwa mishonga iyi vavape zvekudya uye vasateerera zvinotaurwa nevamwe zvisina ruzivo sezvo zvichidzosera zvirongwa zvakadayi kumashure.

Magurukota ezvehutano needzidzo akabatana pachirongwa ichi icho chapinda pazuva retatu.

Chirongwa ichi chiri kupa vana mishonga yekudzivirira zvirwere zviviri izvi. Chorongwa ichi chichange chichiitwa munharaunda dzakasiyana siyana munyika.

Chirongwa ichi chichange chichibatsira vana vane makore ari pakati pegore rimwe nemakore gumi nemashanu.

Vamwe vabereki vanonzi vari kutya kuti vana vavo vaphihwe mishonga zvichitevera kufenda kuri kuita vamwe vana vanenge vasiri kuwirirana nemimwe mishonga yavanenge vapihwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG